Accessibility links

Breaking News

Vashandi vemuMabhanga Voronga Kuratidzira


VaPeter Mutasa
VaPeter Mutasa

Sangano rinomiririra vashandi vemumabhangi, reZimbabwe Banks and Allied Workers Union rinoti nhasi richapa vashandirwi tsamba yekuvasuma nezvekuda kuratidzirwa kwavo mushure mekunge vatadza kuwirirana nenyaya yemari yemuhoro.

Vashandi vanoti vave nemakore mashanu vasina kuwedzerwa mari uye vanotiwo nezuro vakaita musangano nevashandirwi asi hapana chakabuda.

Munyori wesangano reZimbabwe banks and allied Workers Union uye vachitungamirawo Zimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, vaudza Studio 7 kuti vashandi havana kuwedzerwa mari kwemakore mashanu zvekuti mari yavari kutambira haichisina chainobatsira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG