Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopihwa Masvondo Maviri eKugadzirisa Mihoro yeVashandi Vayo


Vashandi vehurumende neChitatu vakapa vatungamiri vatatu vemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa masvondo maviri kuti vawadzere mari dzavo dzemihoro.

Kana vakasaita izvi, vashandi ava vanoti vachatora matanho akaomarara. Izvi zvinotevera kutadza kuwirirana panyaya yemari yemihoro kwakaitika pamisangano yeChipiri neChitatu. Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vari pazororo kusvika mwedzi unouya.

NeChipiri hurumende, kuburikidza nePublic Service Commission yakati yaikwanisa kuwedzera vashandi mari inobva pamadhora manomwe kusvika pamadhora makumi maviri nerimwe chete.

Asi pamusangano wakaitwa nevatori venhau neChitatu pakati pePublic Service Association, ZIMTA, nePTUZ, vamiriri vevashandi ava vati mari iyi haina nemusoro wese sezvo vashandi vari kuda mari inosvika pamadhora ekuAmerica mazana matanhatu. Pari zvino vari kupihwa madhora zana nemakumi mashanu.

Chief Executive veZIMTA, VaSifiso Ndlovu, vanoti gurukota rezvevashandi, Professor Eliphas Mukonoweshuro, vangovimbisa kutarisa dambudziko asi hapana chabuda.

Asi Professor Mukonoweshuro vanoti mari inoshaikwa hayo asi vane chido chekuti vavawanire mari inovakwanira.

XS
SM
MD
LG