Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoti Vachaenderera Mberi nekuRamwa Mabasa


Sachigaro vesangano reAPEX Council, Amai Tendai Chikowore, vanoti vashandi vari kuenderera mberi nekuramwa mabasa sezvo zvichemo zvavo zvisati zvagadziriswa nehurumende.

Amai Chikowore vanoti vashandi vehurumende vachasangana muHarare Gardens neChishanu, apo vachazeya mafambisiro avachaita kuramwa mabasa kwavari kuita pari zvino.

Vashandi vehurumende vakatanga kukanda mapadza pasi musi wa5 Kukadzi vachiti hurumende iwedzere mari dzavanotambira kusvika pamazana matanhatu nemakumi matatu emadhora eku America pamwedzi. Asi hurumende inoti haikwanisi kubhadhara mari idzi, sezvo isina mari iri kudiwa nevashandi ava.

Vamwe vashandi vehurumende vanonzi vawana mari dzavo dzakawedzerwa nemari inoita madhora gumi nematatu kusvika pamadhora makumi maviri nerimwe.

Asi Amai Chikowore vanoti havakwanisi kubvuma kana kuramba kuti ndizvo zvaitika sezvo vasati vaudzwa izvi nemasangano avari kumirira.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzeupfumi pamwe nezvematongerwo dzinoti hurumende inokwanisa kugadzirisa nyaya yekuramwa mabasa kwevashandi vayo kana chete iine chido chekuita izvi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari Programs Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, pamwe nenyanzvi munyaya dzezveupfumi, uye vachishanda neLabour and Economic Development Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti hurumende haisi kuratidza kuti ine hany'a nevashandi vayo, sezvo iri kutadza kugadzirisa dambudziko iri, iro rapinda musvondo repiri.

XS
SM
MD
LG