Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vanoti Gore ra2009 Rakanga Rakavaomera Zvikuru


Kuvapo kwehurumende yemubatanidzwa kunonzi ndiko kwakapa kuti zvinhu zvine nani.

Gore ra2009 igore richarangarirwa nevashandi vakawanda nenyaya yeshanduko dzakaitika muhurumende sezvo pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa pakati peZanu PF neMDC.

Hurumende yakaparurawo hurongwa hwekuti munyika mushandiswe mari yekunze, dhora remunyika richibva rambosendekwa parutivi. Kunyange hazvo zvinhu zvakanga zvava kuwanikwa muzvitoro, mari yekutenga zvinhu izvi yakaramba ichinetsa kubata.

Vashandi vehurumende vakada kupinda mukuramwa mabasa, vachida kuti vawedzerwe mari dzavanotambiriswa.

Munyori mukuru wesangano rinomirira vashandi vehurumende rePublic Service Association, VaEmmanuel Tichareva vanoti vashandi vehurumende vakaomerwa nehupenyu zvakanyanya gore ra2009, sezvo vakanga vopiwa mari dzekubatsirika dziri pakati peU.S $100.00 ne U.S $150.00, idzo vanoti dzakanga dzisingakwani kubhadhara magetsi nemvura, uye kutenga chikafu nezvimwe zvakadaro.

VaTichareva vanoti shuviro yesangano ravo yanga iri yekuti mushandi wese wehurumende wepasi ange ava kutambira mari inotangira pa $500.00, asi shuviro iyi ichangopera chiri chiroto, sezvo vasati vashevedzwa nevashandirwi kuti vakurukure nezvekukwidzirwa mihoro. Vanoti vakanyorera vavanoshandira tsamba yekukumbira kuti vasangane, asi nanhasi havasati vapindurwa.

Mutungamiri wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaLovemore Matombo, vanoti gore rino rakaratidza shanduko muzvinhu zviviri zvinoti mararamiro evanhu kubva muna2000, uye kuvepo kwehurumende yemubatanidzwa.

VaMatombo vanoti zvinhu zvakanyanya kuoma muna2008 sezvo zvekudya zvakanga zvisisawanikwi muzvitoro. Vanoti hupenyu hwevashandi hwakazoshanduka mushure mekuvepo kwehurumende yemushandira pamwe.

VaMatombo vanoti mushure mekuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa, kwakava netariroyakakura chaizvo yekuti kuve nepundutso muhupenyu hwevashandi, asi handizvo zviri kuitika pari zvino.

Vanotiwo chinhu chingangotendwawo nevashandi gore rino ndechekuti kisimusi yegore rino yakasiyana zvikuru nedzimwe, sezvo munhu anenge aine kamari kake achikwanisawo kunhonga nhonga twekudyira dyira nemhuri. Asi vanoti vanoona sekunge hurumende iripo iyi isina hany’a nevashandi, sezvo isina zvikuru zvairi kuita mukuchengetedza kodzero dzavo.

VaTichareva vePSA vanotiwo havaoni paine shanduko huru mugore ra2010 mumashandiro avari kuita uye mari dzemihoro dzavari kutambira, sezvo bhajeti rakaparurwa negurukota rezvemari, VaTendai Biti, risina kupa bazi rezvevashandi vehurumende mari yakakwana.

Masangano evashandirwi anotiwo zvinhu hazvisati zvaratidzika zvakanaka, sezvo vasati vakwanisa kuvhura makambani mazhinji akanga avharwa makore apfuura nekuda kwekuoma kwezvinhu. Vashandirwi vanoti kana chete makambani ari munyika ava kukwanisa kugadzira zvinhu zvekutengesa munyika nekunze kwenyika, zvinhu zvicharamba zvakavaremera kuti vakwanise kuwedzera vashandi mari.

Gurukota rezvevashandi nekugara kwakanaka kwevanhu Mai Paurina Mpariwa-Gwanyanya, vanoti bazi ravo harina zvikuru zvaraikwanisa kuitira vashandi sezvo hurumende yemubatanidzwa yakapindawo gore ratanga, uye ichiri kuedza kugadzikana.

Amai Mpariwa vanoti vanoda kutenda vashandi avo vakazvipira kuti vashande nehurumende ichiyedza kugadzirisa zvinhuy kuti zvifamberi kunyange hazvo zvinhu zvakaoma. Vanotiwo vane chivimbo chekuti mugore ra2010 hurukuro dzemihoro dzichaburitsawo mihoro inoita kuti vashandi vararame.

Nyanzvi mune zveupfumi dzinoti kudzamara hurumende yemubatanidzwa yavakukwanisa kusimudzira makambani ari munyika pamwe nekukwezva makambani ekunze, zvinhu zvicharamba zvakaomera vashandi kunyange imo mugore ra2010, izvo zvichapa kuti hupfumi hurambe huchidzadzarika.

XS
SM
MD
LG