Accessibility links

Breaking News

Varwere Voomerwa neHupenyu Sezvo Vanotengesa Mishonga Vovhara Zvitoro


Zvipatara Zvoshaya Mishonga
Zvipatara Zvoshaya Mishonga

Zvimwe zvitoro zvinotengesa mishonga kana kuti mapharmacies zviri kuvharwa kune dzimwe nzvimbo nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights (ZADHR) rinoti bazi rezvehutano riri panguva yakaoma nemamirirro akaita zvinhu munyika.

Mutungamiri we sangano rePharmaceutical Society of Zimbabwe (PSZ), Amai Portia Mwendera vanoti kushaikwa kwemari yekuti vatenge mishonga nezvinodiwa kugadzira mishonga munyika ndizvo zvauraya basa revanotengesa nekugadzira mishonga.

Sangano reZimbabwe Diabetes Association, rinotungamirirwa nevave mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Doctor John Chamunorwa mangwiro rinoti riri kushingirira kutsvaga nzira dzekubatsira nadzo varwere veshuga kuti vawane mishonga pachena senzira yekubatsira varwere munyika.

Doctor mangwiro vati vakabatikana uye havakwanisi kutaura zvizhinji maerrano nekushaikwa kwemishonga munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvemishonga vachishanda nekambani yeAfro Pham Pharmacies, VaMartin Chinembiri vanoti kana bhanga guru renyika re RBZ rikasagadzirisa nyaya dzezvehupfumi munyika kuti vemakambani nezvitoro vagone kuwana mari dze kuAmerica dzinodiwa kuti vahodhe zvakanaka, hapana chinofamba. Vanotiwo izvi zviri kusiya varwere vakaomerwa ne hupenyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG