Accessibility links

Breaking News

Vari Kuumba Mbuya Nehanda Vanoti Vanhu Ngavasashore Sezvo Vachiri Kukwenenzvera Chiumbwa Ichi


Munguva yehondo yeChimurenga chekutanga nechipiri, svikiro Nehanda Charwe Nyakasikana raibatanidza vanhu veZimbabwe kurwisa vakange vapamba nyika.

Asi gore rino apo hurumende yafunga kurangarira gamba iri nechiumbwa, munyika hamuna kubatana. Vamwe vanoti kuvaka chiumbwa ichi kupedza mari nyika iri mumatambudziko, vamwe vanotiwo muumbi akakundikana kuita basa kunyangwe iye ari kuti achiri kukwenenzvera basa rake. Vamwe vanoti hurumede yabaya dede nemukanwa kurangarira gamba iri.

“Mapfupa angu achamuka” aya ndiwo mashoko anonzi akataurwa naAmbuya Nehanda apo vakaurayiwa nevachena veBritish South Africa Company vainge vapamba nyika kumakore kutanga muna 1890 vachitora minda uye kubata vanhu chibharo nekuvashandisa vasingabhadharwe.

Kubata vanhu senhapwa uku kwakapa masvikiro Ambuya Nehanda naSekuru Kaguvi nevamwe kutungamira vanhu mukupandukira vachena kubva muna 1896 kusvika vabatwa muna 1897 kuMazowe. Ichi ndicho Chimurenga Chekutanga. Ambuya Nehanda vakapomerwa mhosva yekukurudzira kupondwa kwemumwe Mudzviti H.H Polad aizivikanwa nekuitira vatema hutsinye.

Mushakabvu Muzvinafundo Chengetai Jonas Mudadirwa Zvobgo vanoti mufundisi wekereke yeRoma VaFrancis Richartz vakapihwa basa rekubhabhatidza Mbuya Nehanda, Sekuru Kaguvi nevamwe vasati vaurayiwa. Mbuya Nehanda vanonzi vakaramba kusvika mukufa musi wa 27 Kubvumbi 1902. Asi Sekuru Kaguvi vanonzi vakazotenda mushure mekunzwa Mbuya Nehanda vachiurayiwa vachiita rush. Kunyangwe vakabhabhatidzwa vakangourayiwa zvakadaro mushure mekupihwa zita rechiKristu rekuti Dismas.

Ko Mbuya Nehanda ndiyani chaizvo? Vakanzvera nhoroondo yeZimbabwe uye vakadzidzisa paUniversity of Zimbabwe mushakabvu Munzvinafundo David Norman Beach vanoti Charwa Nyakasikana raive svikiro remhondoro Nehanda inonzi navanasorojena yaive mwana waMambo Mutapa yakararama kumakore ekuma 1400. Asi Mhondoro iyi ndiyo inonzi yaisvikira Ambuya Nehanda vanozivikanwa neruzhinji.

Zvaitwa nehurumende handi kekutanga kupa Mbuya Nehanda ruremekedzo, United Nations muna 2015 yakatambira magwaro ezvekuurayiwa kwavo kuti apinde munhoroondo yepasi rose kana kuti World Register, chinova chiremekedzo chikuru pasi rose. Panewo chipatara, zvimwe zviumbwa, nziyo, nemigwagwa yakapihwa zita ravo.

Kunyange hazvo paine kugunun’una muvanhu pamusoro pechivezva chaMbuya Nehanda icho chichaturikwa muHarare pakati pemigwagwa, Samora Machel naJulius Nyerere, vari kuveza chivezwa ichi, VaDavid Mutasa, vanoti izvi hazvisi kuzokanganisa basa ravo uye vachakwenezvera chivezwa kuti chiite sezvinodiwa nehurumende.

Mufananidzo uri kushandiswa kugadzira chiumbwa ichi wakapihwa hurumende nevanochengetedza nhoroondo yenyika yeNational Archives. Chivezwa chaMbuya Nehanda chiri kugadzirwa kuNyathi Gallery kuSnake Park muHarare.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mangagwa vakashanyira nzvimbo iyi kunoona chivezwa ichi apo pakazoburitswa mifananidzo iyo yakamutsa mutauro munyika.

Asi kunyange hazvo pane vakawanda vanoti chivezwa ichi hachiratidzi zvainge zvakaita Mbuya Nehanda pamadandemutande akasiyana siyana, VaMutasa vanoti varidzi vebasa vari kufara nezvavari kuita.

Vanoti havangatadze chivezwa chaMbuya sezvo vakatombogadzira zvimwe zvakawanda izvo zviri munzvimbo zhinji dzakaita seMarcus Garvey Library kuUnited Kingdom.

VaMutasa vatiwo ndivo vakagadzira chivezwa cheshiri iripa Resverve Bank pamwe nezvimwe zvivezwa zvaMbuya Nehanda zviri muparamende.

Vati Social Media ndiyo yave kupa vanhu simba rekutaura zvavanoda asi vakati izvi hazvikanganisi basa ravo.

Mukuru wechikamu cheNational Museums and Monuments of Zimbabwe, Dr Gofrey Mahachi, vati basa riri kufamba zvakanaka.

Kunyange hazvo pange pachitarisirwa kuti chivakwa ichi chichaturikwa svondo, rino VaMahachi, vati havakwanisi kutaura kuti zvichaitika here kana kuti kwete vachiti izvi zvinoenderana nekuti basa riri kufambasei pachivakwa ichi pamwe nepachichaturikwa.

Asi mumwe murairidzi wezvidzi dzo zvenhoroondo kana kuti History, asi asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau, audza Studio 7 kuti zviri kuitwa nehurumende zvakanaka chose asi zvingadai zvakaitwa kare.

Mumwe mugari wemuHarare, VaJaison Shumba, vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvakaoma munyika pari zvino uye vanoona sekuti dai hurumende yakaoshesa zvinhu zvinobatsira veruzhinji.

VaTjenesani Ntungakwa, vesangano reRevolutionary Research Institute of Zimbabwe vanoti nyaya yekuti pari kuita mutauro pamusoro pechivezwa ichi inoratidza kuti hapana kuwirirana munyika pamusoro penyaya.

VaMahachi vati hurumende inoterera zviri kutaurwa nevanhu uye bazi ravo rinotevera gwara rinodiwa nehurumende.

Asi vati zvivakwa zvakaita sechaMbuya Nehanda zvakakosha chose kunyika vachiti zvinoita kuti vanhu vazive kuti nyika yakabva kupi.

Vati zvivakwa zvakaita sechaMbuya Nehanda zvinoita kuti vana vemazuvano vaonewo zvinobatika nekuvarangaridza nezvenhoroonda yenyika yavo.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG