Accessibility links

Breaking News

Vari kuMasvingo neChipinge Votyira Hama Dzavo Dziri Kushanda kuCabo Delgado kuMozambique


Vamwe vagari vemudunhu reMasvingo pamwe nemamwe matunhu munyika vane hama dzinoshandira mudunhu reCabo Delgado kuMozambique uko kune hondo iri kukonzerwa nechikwata chinopfuririkidza mwero vanoti vave kugara vakabartira hana mumaoko.

Hondo iyi iri kukonzerwa nechikwata chinopfurikidza mwero chinodyidzana neIslamic State kana kut ISIS.

Nyaya yekusagadzikana muhana kwevakawanda muMasvingo iri kuuya apo chimwe chizvarwa cheZimbabwe VaNyasha Mugwagwa vaishanda mudunhu rine hupfumi hwezviwanikwa zvakaita semafuta edzimotokari negas reCabo Delgado chapondwa nevarwi veISIS ava masvondo maviri adarika.

Vakawanda muMasvingo zvikuru kuChiredzi kwakaganhurana neMozambique vanoti vane hama dzakawanda dziri muMozambique dzimwe dziri munyika iyi zvisiri pamutemo.

Mumwe mugari wekwaMajange, Amai Docas Maruta, vane mwana anoshandira mudhorobha rePemba kudunhu Cabo Delgado, vanoti vanogara vachityira mwana wavo kunyange vachigara vachitaura naye parunhare.

Izvi zvatsinhirwawo, naVaCaleb Mambo, avo vane munin’ina anoshandira kuPalma kwakapiswa nekugurwa vanhu misoro.

Mugari wekuRujeko, VaNickson Kwirirai, vati hurumende inofanira kuita chirongwa chekuchengetedza nekubudisa zvizvarwazvayo zviri muCado del gado.

Munyori mubazai rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Ambassador James Manzou, mumashoko avakatura kuvatori venhau svondo rapera vakati hurumende iri kushanda nenyika yeMozambique pamwe nemakambani eikoko kuti vawane mazita evanhu vemuZimbabwe vari kushandira kwamuka hondo uku kuti vava batsire.

Vakakurudzira vanhu munyika vane hama dziri kushaikwa kudunhu reCabo Delgado kunyanya kuguta rePalma kuti vabate bazi ravo vabatsirikane pakutsvakwa kw vadikani vavo.

Vamwe vagari vemudunhu reManicalanda kunyanya kuChipinge kunovawo nemuganhu neMozambique zvekare vanoti vari kutyirawo hama dzavo dzinogaroenda nekushandira kuMozambique.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth and Community Development kuChipinge, VaClaris Madhuku, vanoti vanhu vanogara pedyo nemiganhu neMozambique kuChipinge, vakutyirawo kuti zvikwata zviri kuita hondo zvichapedzisira zvosvika munzvimbo dzavo.

Hondo irii kuMozambique inonzi yakaita kuti vanhu vanopfuura zviuru mazana manomwe vatize misha yavo uye vatarisane nenzara. Vatungamiri vesangano renyika dzekuchamhembe kweAfrica reSADC vakatotenderana kuti vapindire vachibatsira Mozambique.

Nyika yeSouth Africa yakatombotumira mauto kunonunura zvizvarwa zvayo zvainge zvapinda munjodzi nekuda kwehondo iyi.

Tichiri panyaya iyi, Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio 7 akaitawo hurukuro nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chainge chiri kuabo Del Gado VaDomingos Manhise.

Nyaya Ina Godfree Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG