Accessibility links

Breaking News

VaRashid Mahiya Vopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Dare rePamusoro
Dare rePamusoro

Dare repamusoro rakabvuma kuti mukuru wesangano reHeal Zimbabwe, VaRashid Mahiya vabvise mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

VaMahiya, avo vange vari mujere reChikurubi vanotarisirwa kubudiswa nemusi weChishanu mushure mekunge mapurisa ati havakwanisi kupedza kugadzirisa mapepa avo paine nguva.

Gweta raVaMahiya uye vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaTonderayi Bhatasara, vaudza Studio 7 kuti pamusoro pekubvisiswa mari yechibatiso inoita chiuru chemadhora eku America, dare rakatora gwaro raVaMahiya rekufambisa uye panodiwa mapepa emba yavo pamwe chete nekuti vaende kumapurisa kaviri pasvondo.

“Tatambira zvataurwa nedare nekuti chakakosha ndechekuti munhu asunungurwe, ambobuda mukuvharirwa,” VaBhatasara vakaudza Studio 7. Vanotizve, “Tikati gare gare tichadzokerazve kudare redzimhosva kuti mirawo yechibatiso chavo inyevenutswe.”

VaMahiya ndemumwe wevanhu vazhinji vakasungwa masvondo mashoma apfuura vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende zvisiri pamutemo mushure mekunge vanhu varatidzira vachiti havasi kufara nekukwidzwa kwemafuta ekufambisa dzimotokari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG