Accessibility links

Breaking News

VaRamaphosa naVaMnangagwa Vopeta Musangano Asi Pasina Mari yeKukweretesa Zimbabwe


VaEmmerson Mnangagwa naVaCyril Ramaphosa
VaEmmerson Mnangagwa naVaCyril Ramaphosa

Musangano wechitatu wekudyidzana pakati peZimbabwe neSouth Africa weBi-National Commission wapera nhasi muHarare, mutungamiriri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa, vachiti nyika yavo yakazvipira kubatsira Zimbabwe panyaya yekumutsiridza hupfumi hwayo pamwe nekuti zvirango zvayakatemerwa zvibviswe.

Kunyangwe hazvo South Africa ichiti yakazvipira kubatsira Zimbabwe, zvabuda pachena kuti nyika iyi haisi kuzopa Zimbabwe mari yechikwereti yairi kutsvaga inodarika bhiriyoni imwe chete. Zimbabwe yakatanga kukumbira mari iyi muna Zvita gore rapera. South Africa kubva nguva iyi yange ichingori haina mari yakadai.

VaRamaphosa vati nyika mbiri idzi dzatenderana kuvandudza hukama munyaya dzekutengeserana, nyaya dzemari nezvimwe uya vaudza makurukota avo kuti afambise mberi basa rekuona kuti zvirongwa makumi mana nezvishanu zvavakasainirana mukati memakore matatu apfuura zvatevedzwa.

Semuenzaniso vatiwo vanoda kuti nyaya yeOne Stop Border Post paBeitbridge ichigadziriswa nechimbi chimbi vachiti kana zvikagadziriswa zvinorerutsa kufamba kwevanhu nezvinhu pakati penyika mbiri idzi.

Vati vanoda kuona zvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumadokero zvichibviswa vachiti zvinokanganisa hupfumi hweZimbabwe uye zviri kuomesera veruzhinji.

Vati pakutanga chaipo, Zimbabwe yainge isingakodzeri kutemerwa zvirango zvehupfumi nekudaro South Africa ichagara ichitaura kuti zvirango izvi zvibviswe kuti Zimbabwe ikwanise kuwana mari nerubatsiro sezvinongoitawo dzimwe nyika.

Mutungamiriri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa, vatenda VaRamaphosa neSouth Africa nekutsigira Zimbabwe panguva yakaoma kwezvinhu vachiti izvi ndizvo zvinoita shamwari yepedyo.

Vatiwo Zimbabwe iri kuedza napose painogona napo kugadzirisa hupfumi hwayo, kukwezva vekunze pamwe nekugadzirisa mitemo yavo kuti inoenderane nebumbiro remutemo.

Zimbabwe neSouth Africa nhasi dzasainirana chibvumirano chekudyidzana panyaya dzezvekurima pamwe nekutambira gwaro pamusoro pekuti zvimwe zvibvumirano makumi mana nezvishanu zvakasainwa munguva yapfuura zviri kufamba sei.

VaMnangagwa vati zvirango zvehupfumi zviri kuvhiringa hupfumi hwenyika asi hurumende iri kushandisa zviwanikwa zvirimunyika kugadzirisa hupfumi apo iri kugadzirisa hukama hwayo nenyika dzepasi rese.

Nhengo yebhodhi yesangano rePlatform for Youth Development, VaOwen Dhliwayo, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa neSouth Africa pakubatsira Zimbabwe zvakanaka chose.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaJames Johwa, vaudza Studio 7 kuti South Africa iri kubatsira Zimbabwe semuvakidzani uyewo nekuti kunaka kwehupfumi hweZimbabwe kunoita kuti zvizvarwa zvemuno zviri munyika iyi zvidzoke kumusha.

Asi vati kunze kweSouth Africa, Zimbabwe inoramba ichida rubatsiro kubva kunyika dzepasi rese nemasangano akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vaudza Studio 7 kuti havabvumirani naVaRamaphosa pazvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe vachiti VaRamaphosa vanofanira kutanga vanzwa kubva kuvanhu vese vemuZimbabwe kwete kutaura vanzwa divi rimwe chete.

Zimbabwe neSouth Africa dzave nenguva yekaraeba dzichidyidzana uye dzakakwidziridza hukama hwadzo kuenda pachinhanho chepamusoro cheBi-National Commission muna 2015.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG