Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voronga Kuramwa Mabasa Panovhurwa Zvikoro, Asi Hurumende Inoti Vambomira


Varairidzi wekumaruwa vanoti hurumende haisi kunzwa zvichemo zvavo

Masangano anomiririra varairidzi anoti reProgressive Teachers Union of Zimbabwe neAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe anoti panovhurwa zvikoro ari kutanga nekuramwa mabasa.

PTUZ yakabuda nechisungo icho pacongress yayo yakapera nemusi weSvondo. ARTUZ iri kuitawo kongiresi yaro kubva musi weChitatu kusvika musi weChishanu.

Mutungamiriri we sangano iri, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti pakongiresi yavo, panenge pasina zvekusarudzwa kwevatungamiriri vesangano iri asi kusunga zvibvumirano zvenyaya dzavanoda kuendesa kuhurumende maererano nenyaya yemihoro yavo nezvimwe zvinobata varairidzi.

VaMasaraure vati sangano ravo rakabvumirana kare kuti varairidzi varo havasi kuzoenda kubasa panovhurwa zvikoro mwedzi uno.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro mutungamiri werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti naivowo havasi kuzoenda kubasa panovhurwa zvikoro kana nyaya yavo yemihoro isina kugadziriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vati hurumende iri kuziva zvichemo zvevashandi uye havafanire kuramwa mabasa sezvo iri mubishi kuyedza kuzvigadzirisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG