Mamwe masangano evarairidzi anoti reProgressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ neAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ anoti ari kuronga kuratidzira svondo rino sezvo vasiri kufara nemari dzavari kutambiriswa.
PTUZ inoti nemusi weChitatu ichaendesa matsamba enyunyuto kumapazi ehurumende vachigunun'una nemari dzavari kuhora pamwedzi.
Sangano reARTUZ rinoti musi weChina neChishanu nhengo dzavo dzichakanda mapadza pasi dzogara kudzimba kuti hurumende ivape nzeve. Varairidzi vanotiwo dai hurumende yavapa mari dzavo nemari yekunze yakaita sedhora rekuAmerica sezvo maRTGS avari kupihwa asina simba.
Asi gurukota rinoona nezvedzidzo Muzvinafundo Larry Mavhima vakatozivisa kare kuti hurumende haisi kuzowedzera vashandi mari nekuti kana iyo iri kutatarika.
Nyanzvi mune zvedzidzo vari mukuru wesangano re PTUZ, Doctor Takavafira Zhou vanoti varairidzi varwadziwa nehupenyu nekuti vatarisana nenzara sezvo mari dzavanotambira dzisingachaenderani nemaomero aita zvinhu munyika. Vanoti dambudziko guru hutungamiri hwenyika hwusinga vacheuki.
Facebook Forum