Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voramwazve Mabasa Kutanga Nhasi


Obert Masaraure
Obert Masaraure

Sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti kutanga nhasi nhengo dzaro dzichange dzave kuenda kubasa ruva rimwechete chete pamasvondo maviri sezvo dzisisakwanise kuramba dzichienda kumabasa.

Mutungamiri wesangano iri, VaObert Masaraure, vanoti kunyange hazvo hurumende yakati yawedzera vashandi vayo mari, kwavari hapana chavakawana sezvo mari iyi isina chairi kumbobatsira varairidzi, zvikuru vekumaruwa.

VaMasaraure vanoti pamusoro pekuenda kumabasa kamwechete chete pamasvondo maviri, vachange vachipindawo mumigwagwa zvakanyanya vachiratidza kunyunyuta kwavo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi muzvinafundo paul mavima kuti tinzwe divi ravo sezvo vainge vari mumusangano wetnf vachizeyawo nyaya dzemari dzemihoro idzi nevashandi nevashandirwi.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG