Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vogununu'na neDanho reHurumende Rekuda Kuvabatira Mazuva Avo neNyaya yeKuratidzira


Doctor Takavafira Zhou
Doctor Takavafira Zhou

Sangano revarairidzi rePTUZ, rinoti harisi kufadzwa nemashoko anonzi ari kubva kuPublic Service Commission ekuti ichatorera varaidziri vanodarika zviuru gumi matanho anosanganisira kuvatorera mazuva kubva pamazuva avo ekuzorora.

Izvi zvinotevera gwaro rinonzi rabva kuboka rePublic Service Commission, iro rinonzi riri kutenderera mumasangano evashandi.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi reboka iri panyaya iyi, asi mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti nhengo dzavo dzakatovazivisa zvakare kuti hadzichakwanisa kuenda kumabasa mazuva ose epasvondo, asi kuti dzinokwanisa kuenda mazuva maviri chete pasvondo.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG