Accessibility links

Breaking News

Vapoteri Varikudzingwa KuBotswana Vovimbisa Kudzokerazve Vachiti Zimbabwe Ichiri Yakaberekera Ingwe


Bhazi rakatakura zvizvarwa zveZimbabwe kubva paDukwi Camp.
Bhazi rakatakura zvizvarwa zveZimbabwe kubva paDukwi Camp.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvanga zviri muhupoteri pamuzinda weDukwi Refugee Camp muBotswana kwemakore gumi nemaviri zvinoti zvabvuma kudzoserwa kumusha pasi pechirongwa cheVoluntary Repatriation nekuti zviri kutya kuitwa musengabere nevebazi rinoona nezvekubuda nekupinda kwevanhu muBotswana.

VaWeston Chibi, vanga vari pakati pechikwata chakasimuka neChitatu mangwanani nebhazi chakananga kuZimbabwe, vaudza Studio7 parunhare kuti vaimbove vapoteri ava vakatoruka kare mazano ekuti vanozodzoka sei muBotswana.

VaChibi, avo vanoti vakatiza munyika sezvo vaiziikanwa kwazvo kuti inhengo inokwikwidza yebato guru rinopikisa reMDC kuChimanimani mudunhu reManicaland, vanoti kuitwa musengabere kunorwadzwa nekuti twushoma twavakashandira twose twunosara.

Sezvo vaimbove vapoteri ava vachipihwa mari inosvika mazana mashanu nemakumi maviri kana kuti US$520 emadhora ekuAmerika pamunhu nesangano reUnited Nations High Commissioner for Refugees, VaChibi vanoti mari iyi ishomanana kwazvo kuti munhu atange hupenyu hutswa nayo.

VaChibi vaudza Studio7 kuti ruzhinji rwevaimbowe muhupoteri urwu rwuchashandisa mari yerubatsiro iyi kutora magwaro ekufambisa kubuda munyika.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chaimbova muhupoteri, Muzvare Primrose Temwanjira chinoti vazhinji vange vagere pamuzinda weDukwi Refugee Camp muBotswana havaoni chitswa chakaunzwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende yeZimbabwe nekuti mumiriri weZimbabwe muBotswana, VaBatiraishe Mukonoweshuro vanga vasingabatike kusvikira panguva yataenda pamhepo.

Asi gurukota rinoona nezve kudzivirirwa kweBotswana, VaKagiso Mmusi vaudza Studio7 kuti hurumende yeBotswana inobvumirana nesangano reUNHCR munyaya yekuti mamiriro ezve matongerwo enyika ayo akambowe manyama amire nerongo muZimbabwe anaka zvikuru.

Pari zvino, hurumende yeBotswana yakwanisa kudzosera zvizvarwa zveZimbabwe mazana maviri pamazana matatu evanhu vanga vasara pamuzinda weDukwi Refugee Camp mushure mekudzoserwa kwevamwe vanosvika chiuru chimwe chete nemazana matatu vakadzoserwa kumusha pakati pa2010 na2019.

Kunyange hazvo hurumende yaVaMnangagwa ichiti haina ropa mumaoko ayo, vatsigiri veMDC vanoti vamwe vavo vakafa vamwe ndookuvadzwa uye kutsakatikiswa nevanofungidzirwa kuti vasori nevatsigiri veZANU PF mubvonga mupopoto yakaitika muna2008.

Vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vari kushorawo United Nations neBotswana nekukanda vamwe vapoteri mukanwa mamupere sezvo vari kuti vari kutyira hupenyu hwavo.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG