Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera muMigwagwa Voramba Kubva Munzvimbo Dzavari Kutengesra


Vanotengesera mumigwagwa yeHarare vachinetsana nemapurisa ekanzuru

Vanotengesera mumigwagwa vanoti havazi kuzobva munzvimbo dzavanotengesera kunyange hurumende yakavapa maawa makumi mana nemasere kuti vabve munzvimbo idzi.

Vanotengesera mumigwagwa vanoti havazi kuzobva munzvimbo dzavanotengesera kunyange hurumende yakavapa maawa makumi mana nemasere kuti vabve munzvimbo idzi.

Hurumende yakavimbisa kuti ichatumira mauto kuti azobatsira kubvisa vanotengesa kana vachinge varambira munzvimbo dzavari, izvo zvinova zviri kuitika.

Mukuru werimwe sangano revanotengesa reVendors Association of Zimbabwe, VaStendrick Zvorwadza, vanoti nhengo dzavo dzakazvipira kurwisana nemauto uye vakatoamirira kuti auye sezvo vasina kwavangaende.

Asi kanzuru yeHarare inoti yakagadzira nzvimbo dzakawanda dzinokwanira vose vanotengesera mumigwagwa, asi vanhu ava havasi kuda kuenda munzvimbo idzi.

VaZvorwadza vanoti hazvibatsiri kuti hurumende irwise nekudzinga vatengesi mumigwagwa isina kuvagadzirira dzimwe nzvimbo dzekuti vanotengesera, sechivimbiso chavo kuti vachavagadzirira kwekuenda.

VaZvorwadza vasimbisa kuti ivo nevamwe vavo vangatosarudze kuurayiwa zvavo nemabara epfuti pane kuti vabve panzvimbo dzavari nekuti mhuri dzavo dzinoraramira munzvimbo idzodzo.

Hurukuro naVaSten Zvorwadza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG