Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neHIV/AIDS Vanoti Denda reCovid-19 Rowedzera Dambudziko reKushaya Kwavo Mimwe Mishonga


Vanorwira kodzero dzevanorarama nehutachiona hweHIV/Aids vanoti varapwi havasi kuwana rubatsiro rwakakwana sezvaimboimboitika makore apfuura zvokuti vamwe vave kutadza kuwana mishonga yavo yakakwana izvo zviri kudzosera kumashure hurongwa hwekuparadza denda iri panosvika gore ra2030.

Munyori wesangano reZimbabwe HIV/AIDS Activist Union Trust, Amai Angeline Chiwetani vanoti matambudziko osangana nevarapwi anosanganisira kutadza kuwana mapiritsi akakwana, nekuongororwa huhwandu hwehutachiona muropa kana kuti viral load.

Vamwe vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS vakaita saVaSebatsian Chinhaire vekuWarren Park D vanoti vave kutya kutaura mamwe marwadzo avanenge vachinzwa sezvo vamwe vakoti vasiri kuvabata zvakanaka.

Asi Amai Chiwetani vakurudzira vanorarama nehutachiwana hweHIV kuti vasatye kutaura mamwe matambudziko avanenge vainawo.

VaBenjamin Mazhindu vekuBudiriro vari kuchema chema kuti dzimwe nguva varapwi vanopiwa mishonga inokamurwa kubva mune mabhodhoro zvokuti haapedze mwedzi.

Vaendera mberi vachiti kupararira kwakazoita Covid 19 munyika kwakavhiringidzawo zvirongwa zveHIV/Aids zvokuti vanoti vaakungonopiwa mapiritsi pasina kuongororwa

Amai Chiwetani vanoti mapiritsi ezvirwere zveshuga, High Blood Pressure, asthma nemagomarara akasiyana siyana anogona kunge achivhiringa hutano hwevamwe varapwi nokuti anogona kunge achikurira mishonga yeHIV/Aids.

Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika dzepasi rose kucherechedza Zuva revanorarama nechirwere cheHIV/AIDS reWorld Aids Day musi wa1 Zvita, pamhemberero yakaitirwa kuChinhoyi paine kurudziro yekupedza chirwere cheHIV/Aids panosvika gore ra2030.

Sangano reAVERT rinoti kune vanhu vanodarika mirioni nezviuru mazana mana kana kuti 1, 4 million, vari kurarama nehutachiwana hweHIV/Aids munyika.

Pari zvino vanorwira kodzero dzevanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS vanoti mari zhinji yave kushandiswa mukurwisa chirwere cheCovid-19 izvo zviri kupa kuti rubatsiro rwemari yekurwisa HIV hudzikire.

Asi vachitaura pazuva rekucherechedza vanorarama nechirwere ichi, mutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Mangwiro vakati hurumende iri kufara nerubatsiro rwayakaendesa mukurwisa chirwere cheHIV/AIDs.

Vanoti izvi zviri kuonekwa nekuti huwandu hwevanhu vakuru vatsva vari kubatwa nechirwere ichi hwakaderera nezvikamu zvinodarika makumi mana nemaviri kubva muzana kana kuti 42,1% muvanhu vakuru uye zvikamu zvinodarika makumi maviri nemaviri kana kuti 22, 4% muvana vadiki.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG