Accessibility links

Breaking News

Vanoona Nezvemamiriro Ekunze Vanoti Muchaita Mafashamu Emvura Munyika


Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze kana kuti Meteorological Services Department, rayambira kuti munyika muchaita mafashamu emvura kutanga nhasi munzvimbo dzakasiyana-siyana kumaodzanyemba uye kumabvazuva kwenyika.

Bazi iri rinoti mvura iyi ichanaya svondo rese mumatunhu anosanganisira Mashonaland provinces, Harare, Matabeleland North pamwe neManicaland.

Mudzimwe nzvimbo, Meteorological Services inoti muchaita chimvuramabwe pamwe chete nedutu remhepo.

Nokudaro, bazi iri riri kukurudzira vanhu vari munzvimbo idzi kuti vachenjere uye vasapinda munzizi dzinopfachukira.

Ntungamili Nkomo weStudio 7 abata nyanzvi mune zvemamiriro ekunze, uye vachishanda neMeteorological Services Department, vaTichaona Zinyemba, kuti tinzwe zvizhinji.

XS
SM
MD
LG