Accessibility links

Breaking News

Vanochengetedza Mhuka Vaviri Vourayiwa neVanovhima Zvisiri paMutemo kuKariba


dhamu reKariba
dhamu reKariba

Vashandi vaviri veZimbabwe National Parks and Wildlife kana kuti Zimparks vanofungidzirwa kuti vakauraiwa nevanofungidzirwa kuti vanovhima mhuka zvisiri pamitemo vekuZambia nemusi weChipiri.

Vane ruzivo nezvakaitika vanoti vamwe vaviri vanochengetedza mhuka kubva kubazi reZimparks vakaita mahwekwe nevanofungidzirwa vaizvhima zvisiri pamutemo mudhamu reKariba.

Panonzi pakaita kakurwisana apo vanochengetedza mhuka ava vakange voyedza kuendesa vanofungidzirwa kuti vaivhima zvisiri pamutemo ava pakamba yeChanga kuKariba.

Zvinonzi nyaya iyi yakazozivikanwa mushure mekunge chikepe chevanochengetedza mhuka ava chaonekwa chichiyangarara chisina munhu uye chisina injini.

Mutauriri weZimparks VaTinashe Farawo vatenda kuti izvi ndizvo zvakaitika vachiti vashandi vavo vaviri havasikuzivikanwa kwavari parizvino.

VaFarawo vanoti vaendesa nyaya iyi kumapurisa uye kuferefetwa kwekushayikwa uku kuri kuenderera mberi uye vari kushanda pamwechete nevebazi rezvekuchengetedzwa kwemhuka kuZambia.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commisioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi ravo.

Kubatwa kwevanhu vanovhima zvisiri pamutemo kunonzi kwakanyanya pamuganhu weZimbabwe neZambia. Vanovhima mhuka zvisiri pamutemo munyika mbiri idzi vari kusungwa vachitongwerwa makore akawanda mujeri.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG