Accessibility links

Breaking News

VaNick Mangwana Vovimbisa Nhepfenyuro Dzakawanda paHurukuro yeVOA neZimbabwe Television Network


Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNdabaningi Nick Mangwana, vanoti hurumende ichavandudza mitemo inombunyikidza vatori venhau uye mashandiro avo zvekuti vari kutarisira kuti mukupera kwegore kunenge kwave nedzimwe nhepfunyuro makumi maviri nena.

VaMangwana vakataura mashoko aya pachirongwa che Zimbabwe Television Network ichishanda neVoice of America chinonzi Fourth Estate chaive nedingindira rekuti, Mapping Zimbabwe’ Media Landscape nezuro manheru.

Vakatiwo vanoda kuti mabasa ekutapwa nekuburitswa kwenhau avandudzwe kuti pave nemakambani akawanda nemaredhiyo, materevhizheni nemapenhau vachiti izvi zvinoita kuti vana vakawanda vanobva muzvikoro zvepamusoro vawane mabasa.

Vakatiwo vanoda kuona nhepfenyuro dzemumatunhu dzichivhurwa vachiti izvi zvichabatsirawo kana vasiri mumabasa enhau. VaMangwana vakatiwo izvi zvinobatsira zvikuru mukushambadza nyika pasi rese.

Mupepeti wenhau weZim Fact Platform, VaChris Chinaka, vakatiwo vanotambira mashoko ehurumende aya nemufaro.

Vachitaurawo pachirongwa ichi, VaChinaka vakati chimwe chave kunetsa munyika inyaya yekuti munhau mave kufambiswa mashoko asiri echokwandi akawanda. Vakati zvino suwisa kuti vazhinji munyika havachina chivimbo nezvinobuda mumapenhau.

VaChinaka vakati chakakosha kuti vatapi venhau vanyore nhau sekutaurwa kwadzinenge dzaitwa kwete kuisa pfungwa dzavo.

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Muzvare Grace Mutandwa, akatiwo haafari nemashandire ari kuita vatori venhu munyika achiti mihoro yavo iri pasi izvo ati zvinokanganisa mashandire avo.

Vamwe vakataurawo pachirongwa ichi, ndiVaJeoff Nyarota, vakamboita mupepeti wemapepanhau akaita seChronicle neDaily News avo vakati vanoona sekuti mabasa ekutapa nhau aderera munyika uye kuti pane kupokana pakati pevatapi venhau vanoshandira mapepanhau ehurumende neavo vanoshanda vakazvimirira.

Mumwe mupepeti mukuru mukambani yeZimpapers, varidzi veZTN, VaWilliam Chikoto, vakati mukaha uyu wakawedzera muna2000 zvichitevera kuumbwa kwebato guru rinopikisa reMDC muna 1999 asi vakati kambani yavo inoedza napose painogona kuita basa nemazvo.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reMedia Instutitute of Southern Africa, VaNyasha Nyakunu, vakati chikuru chavakatarisira kuona hurumende ichashandura mitemo inombunyikidza vatapi venhau vachiti izvi zvinoita kuti vaite basa ravo nemazvo.

Chirongwa ichi chakatepfenyurwawo panhepfuro dzeVoice of America uye VaChinaka vakati mushandirapamwe weVOA neZimpapers wakanaka chose uye unokurudzirwa sezvo uchiratidza pachena kuti Zimbabwe yazvipira kushanda nedzimwe nyika.

Aka hakasi kekutanga makambani aya achishanda pamwe sezvo muna Nyamavhuvhu akaita chimwe chirongwa zvakare ichi chakaburitswa pasi rese kusanganisira paVOA nedzimwe nhepfenyuro dzainoshanda nadzo apo pakaitwa gakava rekutanga munyika musarudzo dzemutungamiri wenyika kunyangwe vamwe vatungamiri vakaita saVaEmmerson Mnangagwa veZanu-PF naVaNelson Chamisa vasina kupinda muhurongwa uhu.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG