Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Vanorarama neHIV Vokumbira Kurapwa Gomarara Pachena


Vanhukadzi vanorarama nehutachiwana hweHIV vanoti vanoda kuti hurumende ivarapewo pachena chirwere chegomarara repachibereko sezvo vazhinji vavo vasina mabasa uye vamwe vatove shirikadzi.

Mumwe wemadzimai anorwira kodzero dzemadzimai anorarama neHIV, Amai Joana Kasirori, vanoti madzimai ane makore makumi mashanu nekudarika, vari kubatwa nechirwere chegomarara repachibereko iro rinodura kuti rirapwe, nokudaro hurumende inofanirwa kubatsira madzimai aya.

Amai Kasirirori vanoti mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, vanofanirwa kupindira padambudziko iri sezvo madzimai akawanda ari kusangana nedambudziko rechirwere ichi, vachibva kumaruwa uko kwavanochengeta mhuri dzakakura.

Mumwe mukadzi ane gomarara repachibereko, Amai Martha Chibwana vekuBindura, vanoti mishonga yokurapa gomarara rechibereko iri kunetsa kuwana nokuti inotengwa nemari yekunze, iyo veruzhinji vasingakwanise kuwana.

Amai Chibwana vanoti kuongororwa kwehutano hwemunhukadzi akura kunonetsa nokuti vazhinji vakura zvokuti havachakwanisa kuzvishandira nenyaya yokurwara.

Mumwe mudzimai, Amai Monica Musarurwa vekuGweru, vanotiwo vanosangana nedambudziko rekuti pavanenge vachirapwa, michina inofa, izvo zviri kuita kuti vagare vasina kugadzikana.

Mumwe wevanorwira kodzero dzemadzimai anorarama neHIV/AIDS, Amai Tendai Westerhof, avo vakavamba sangano idzva reZimbabwe Women Living With HIV Forum, iro rinopa mukana wekuungana kwemadzimai anorarama neHIV achikurukura nhunha dzavo, vanoti vari kufara kuti kwava nesangano rakadai kekutanga muZimbabwe.

Sangano reZimbabwe Women Living With HIV Forum rakaita musangano mukuru muHarare svondo rapera pamahofisi eNational AIDS Council apo madzimai anosvika makumi mana akaungana achikurukura matambudziko avari kusangana nawo muhupenyu hwavo.

Nyanzvi munyaya dzezvechirwere chegomarara, Amai Anne Nyakabau, vanoti mukadzi ane gomarara anofanirwa kurapwa nenguva yakatarwa kuitira kuti mudzi wechirwere ichi uparadzwe zvachose.

Amai Nyakabau vanoti kumbomiswa kurapwa nenzira yeRadiotherapy kunoita kuti chirwere ichi chidzoke zvine hukasha chobva chavhiringidza hutano hwemurwere.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kudivi rehurumende kuti ichaita seyi padambudziko riri kutaurwa nemadzimai ane chirwere chegomarara repachibereko.

Gurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, vakaudza Studio7 kuti itaure nemunyori webazi rezvehutano, uyo tisina kukwanisa kubata.

Ongororo yakaitwa nesangano reAvert inoratidza kuti madzimai anodarika mazana masere ezviuru ari kurarama neHIV muZimbabwe uye gomarara repachibereko ndiro riri pamberi kuuraya vanhukadzi kudarika mamwe magomarara endudzi dzose pasi rose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG