Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Vanocherechedza Zuva reInternational Women's Day kwaMutare


Sangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe, rinoti vanhukadzi vose vanofanirwa kuva nekodzero dzinoremekedzwa nebumbiro remitemo yenyika. Mashoko aya ataurwa kwaMutare pamusangano wekucherechedza zuva revanhukadzi pasi rose.


Masangano evanhukadzi aungana achicherechedza zuva revanhukadzi pasi rose, re International Women’s Day, pasi pedingindira rekuti “Equal Rights, Equal Opportunities: Progress For All”.

Musangano uyu wabuda nezvisungo zvakati kuti, izvo zvinosanganisira nyaya yekuti vanhukadzi vataurirane nevarume vavo, kuitira kuti zvinhu zvinokosha zvose, zvinyorwewo mumazita avo, kwete kuti zvive mumazita evarume vavo chete. Zvimwe zvataurwa pamusangano uyu, idambudziko remadzimai asingakwanise kutorera vana vavo magwaro ekuzvarwa, kana pasipoti, kana baba vemwana vasipo, kana mwana uyu achishandisa zita rababa vake.


Mukuru anoshanda nebazi rezvevanhukadzi muhurumende , kudivi re Gender and Community Development, kwaMutare, Amai Chipo Tsinakwadi, vanoti zvakakosha kuti madzimai ave nechekuita mukubudirira kwemhuri, uye nekuva nemazita avo pahupfumi hwemhuri, kuitira kuti vakwanise kuwana zvikwereti kumabhanga, izvo zvinozopa kuti vakwanise kufambisa mabasa ebudiriro.


Amai Tsinakwadi vanoti kuti izvi zvivepo, uye kuti zviremekedzwe, zvinofanirwa kunge zviri mubumbiro remitemo yenyika. Vakurudzirawo madzimai kuti vape pfungwa dzavo kuvanhu vachauya munzvimbo dzavanogara vachinzwa zvinodiwa nevanhu kuti zvinge zviri mumbiro riri kuda kunyorwa nehurumende.


Madzimai aratidza kusafara nemabatirwo avari kuitwa panyaya yeminda.

Pamusangano uyu pabuda mashoko anoti madzimai mazhinji anosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, ane minda, kubudikidza nekuti akaroorwa; kotiwo zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvemadzimai asina kuroorwa, kana akafirwa, hazvina minda, kubva mugore pakatangiswa chirongwa chekugarisa vanhu patsva muna 2000.


Mumwe mugari wekwaOdzi, uye vari murimi, Amai Janet Mandigora, vanoti vanhukadzi havasi kuwana mari yechikwereti, kana zvichienzaniswa nevanhurume.


Mumwe mushandikadzi weMamutare, Amai Loretta Mtisi, vanoti hazvisi nyore kuti vanhurume vape vanhukadzi mazuva mumakambani avanoshandira kuti vaende kumisangano yakaita sewaitirwa maMutare.


Amai Irene Takundwa, avo vanoshanda neWomen’s Coalition of Zimbabwe, sangano rakaronga musangano uyu, vanoti zuva iri rakakoshera kuti ndipo pavanoona kupihwa kwekodzero dzavo kubva mukudzvanyirirwa kwekodzero dzavo nezvenyaya dzepasichigare.


Mumwe anga ari pamusangano uyu, Pastor Norleen Mbutsa, avo vanogara muDangamvura, vanoti vadzidza zvakawanda pazvinhu zvinofanirwa kuitwa, kuitira kuti vawane nzvimbo yavo yakakodzera muhupenyu. Pastor Mbutsa vanoti madzimai anofanirwa kushanda pamwe nevarume vavo, kuitira kuti zvose zvavari kushuvira, zvikwanisike kuitika.


Vanga vakamirira sangano reLegal Resources Foundation maMutare, Amai Memory Mandingwa, vatiwo vane hurongwa hwekuti vaite chirongwa chekuti madzimai ose akaroorwa, vabatane vononyoresa michato yavo, kuitira kuti zvisazovanetse mangwana.

Amai Mandingwa vakurudzirawo madzimai kuti vapewo pfungwa dzavo nemazvo kuvanhu vachange vachinyora bumbiro idzva remitemo yenyika, kuitira kuti vasazochema vachiti zvido zvavo hazvina kucherechedzwa. Vati zvido izvi zvikange zvave mubumbiro idzva remitemo yenyika, zvinenge zvava mutemo, uye zvinenge zvoremekedzwa.


Gore rega rega sangano reUnited Nations rinotungamira zuva revanhukadzi kuti richerechedzwe musi wa 8 Kurume. Musangano wekucherechedza zuva revanhukadzi pasi rose wapindwa nevanhukadzi vanopfuura makumi manomwe, avo vabva kumasangano akasiyana-siyana, kusanganisirawo nhengo shoma dzesangano revanhurume, rePadare.

XS
SM
MD
LG