Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votarisirwa Kutanga Kubayiwa Nhomba yeSinopharm neMusi weChina


Hurumende iri kutarisirwa kuparura chirongwa chekubaya vanhu nhomba yekudzivirira Covid-19 nemusi weChina uye inoti vachabayiwa pachikamu chekutanga chechirongwa ichi vanosanganisira machiremba, vakoti nevamwe vashandi vezvehutano.

Izvi zvinotevera kupedza nemusi weChitatu kwekudzidziswa kwemashandisirwo enhomba iyi kwaitwa vashandi vehutano munyika yose.

Gurukota rezvekuburitswa kwemshoko, Seneta Monica Mutsvangwa, vanoti vashandi vehutano vange vari kudzidziswawo zvinhu zvakaita sekuti mishonga iyi inochengetwa sei.

Mutungamiriri weZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo, vaudza Studio 7 kuti nhengo dzesangano ravo dziri kupinda muzvidzidzo izvi munyika yose.

Hatina kukwanisa kutaura nevamwe vapinda muzvidzidzo izvi asi VaDongo vati hapana chakanyanyooma pazvidzidzo izvi sezvo vakoti vagara vachibaya nhomba dzezvimwe zvirwere.

Vati vange vachitarisira kuti zvidzidzo izvi zvivape vakoti ruzivo pamusoro pemashandiro enhomba yeSinopharm.

Vachitaura mushure memusangano wedare remakurukota neChipiri manheru, Amai Mutsvangwa vakati nhomba iyi ichaendendeswa kumatunhu pachishandiswa nzira dzinoendeswa mimwe mishonga.

Vakatiwo kunze kwevashandi vehutano, vamwe vachabayiwa pachikamu chekutanga mauto, mapurisa nemagadhijere uyewo vashandi veZimbabwe Revenue Authority pamwe neAgritex.

Pachikamu chechipiri pachabaiwa varairidzi vezvikoro zvepasi nezvepamusoro uye vamwe vese vachabaiwa pasi pechikamu chekupedzesera.

Amai Mutsvangwa vanoti vese vachabaiwa vachanyorwa mazita avo pasi uye vachaudzwa kuti vachazobaiwa riini zvekare sezvo vachifanira kubaiwa kaviri.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi izvo zvichaita mari inodarika mamiriyoni matanhatu nezviuru mazana manomwe zvemadhora ekuAmerica.

South Africa yakaparura hurongwa hwayo hwekubaya nhomba iyi neChitatu mutungamiriri wenyika iyi, VaCyril Ramaphosa, vachibaiwa veruzhinji vachiona.

.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG