Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voramba Kutambira Mari dzemaBond Notes


Zimbabwean Bond Notes
Zimbabwean Bond Notes

Vanotengesa zvekudya nezvekupfeka nezvimwe zvakasiyana siyana muChinhoyi nedzimwe nzvimbo munyika vave kuramba mari yemabhondi yemaZWL$2 nemaZWL$5 yakanyorwa kuti Bond Notes vachiti vanoda mari itsva yemunyika yemaZWL$10 nemaZWL$20.

Kurambwa kwemari iyi kwasiya vanhu vakawanda vachitadza kutenga zvinhu muzvitoro zvakawanda nepamisika.

Mumwe mugari wemumusha unogara veruzhinji weChikonohono, Amai Marther Toriro avo vanotenga nekutengesa zvirimwa vanoti varambirwa kutenga nemabhondi aya vachinzi haachashanda sezvo vavanotengera vachizoshandisa kutenga madhora ekuAmerica kwavanohodha.

Amai Toriro vanoti kurambwa kwemari iyi kuchakonzera kuti mitengo yezvinhu ikwire sezvo ivo vachatangira kutengesa zvinhu zvavo kubva pamadhora gumi zvichikwira.


Amai Muchaneta Mukunyadzeavo vanonohodha zvinhu kuHarare vanoti kwavanohodha vave kuramba mari diki asi vachiti hapana zvikonzero zvinogutsa zvavanoziva zviri kurambirwa mari.

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidzawo kuti zvinhu zvave kutengeswa nemitengo yakasiyana. Kana munhu achitenga nemaZWL$2 mutengo wechinhu unenge uri pamusoro zvichienzaniswa nemunhu ari kutenga nemari itsva yemaZWL$10 kana ZWL$20 sematauriro aAmai Shelter Chipuriro.

Masoja anonzi ari kumbofamba vachimanikidza vanotengesa muzvitoro kuti vatambire mari diki idzi asi izvi zvinonzi hazvisi kushanda sezvo vanobva vakwidza mitengo zvakanyanya.

Mumwe mutengesi asina kuda kudomwa nezita anoti vave kutengesa rimwe ziso rakatarisa kuti masoja havasi kuuya here.

Hatina kunzwa divi remasoja panyaya iyi sezvo mutauriri wemasoja VaAlphios Makotore vanga vasingabatike pambozhanhare yavo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda ne Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaNyasha Muchichwa vanoti zvekumanikidza kuti vanhu vatambire mari hazvishande uye hapana kwazvakamboshanda pasi rose.

VaMuchichwa vanoti hurumende inofanirwa kugadzira mari hombe vachiti manyepo kuti kuve nemari hombe zvinokonzera kukwira mitengo kwezvinhu vachiti parizvino pane mari diki asi mitengo iri kungoita chamurambamhuru kukwira.

Mumashoko kuvatori vanhau, Reserve Bank of Zimbabwe yakati vanhu vanofanira kutambira mari yose nekuti iri pamutemo. RBZ yakatiwo vane mari diki idzi vanokwanisa kuenda kunodzichinja kumabhanga.

Kurambwa kwemari diki kunonzi kuri kuitikawo mumaguta akawanda anosanganisira Masvingo, Mutare, Karoi, Kadoma neBulawayo. Vemichovha inotakura vanhu vave kurambawo mari yemunyika vachiti
vanoda madhora ekuAmerica.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG