Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vopa Pfungwa Dzavo Papera Gore Mauto Abvisa VaMugabe Pachigaro


Panguva ino gore rapfuura, mauto eZimbabwe Defence Forces akatanga kupinda mumigwagwa achibvisa vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro uye akatsigirwa nevanhu vakawanda kubva kumapato akawanda ezvematongerwo enyika pamwe nemamwe masangano anoshanda akazvimirira.

Zvinhu zvainge zvakaita manyama amire nerongo muhurumende nemubato riri kutonga reZanu PF umo vanhu vainge vave kudzingwa basa zuva nezuva.

Vanhu vakaita semutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vainge vadzingwa basa semumwe mutevedzeri wemutungamiriri wenyika vakanopotera kuSouth Africa.

Vakawanda vainge vadzingwa mubato iri uye VaMugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe vanonzi nevamwe mubato iri vainge voita madiro aJojina mubato nemuhurumende.

Izvi zvakazoita kuti mauto apindire achiti aida kugadzirisa zvinhu mubato nemunyika. Veruzhinji vakatsigira danho iri vakapinda mumigwagwa sezvo vainge vaneta nehutongo hwaVaMugabe.

Mumwe mugari wemuHarare, VaOwen Dhliwayo, vanoti pakapimba mauto mumigwagwa vakambotadza kuziva kuti chii chaiitika asi vakazofara apo vakaziva kuti chaive chirongwa chekubvisa VaMugabe pachigaro.

Vanoti havasi kufara nezvavakuitika pari zvino sezvo zvinhu zviri kuramba zvichioma munyika.

Amai Winnie Dongo vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo VaMugabe vakabviswa pachigaro nechisimba, vakazvifarira nekuti vaiona sekuti zvaita kuti vagare zvakanaka.

Muzvare Melanie Moyo vaudza Studio 7 kuti mufaro wakaita muna Mbudzi gore rapfuura munyika nekuda kwekuoma kwaita hupenyu.

Vanoti semaonero avo, hapana chashanduka uye vave kutotya mauto zvichitevera kupfuura kwaikaita vanhu muHarare musi wa1 Nyamavhuvhu.

Asi VaHilary Shumba vaudza Studio 7 kuti zvichitevera danho rakatorwa nemauto muna Mbudzi gore rapfuura vanhu vasungunuka zvakanyanya munyika.

Vatiwo nyika yakaita sarudzo dzakachena ikakoka vekunze izvo zvange zvisingaitwe nehurumemende yaVaMugabe.

VaShumba vati zviri pachena kuti hurumende yaVaMnangagwa iri kugadzirisa hupfumi hwenyika pamwe nekugadziridza hukama hwayo nedzimwe nyika.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vaudza Studio 7 kuti vanonzwisisa kuti sei vanhu vasiri kufara nekuti pamwe zvimwe zvakavimbiswa zvisina kuitwa.

VaGumbo vati zviri pachena kuti matambudziko akaita sekushaikwa kwemari pamwe nekukwira kwemitengo yezvinhu akatowedzera pasi hurumende iripo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG