Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kuzvichengetedza Kubva Kuchirwere cheCovid-19 paZororo Rino


Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira vanhu kuti vasaite manguva ino yezororo sezvo chirwere cheCovid-19 chadzoka zvine mutsindo.

Vanhu vari kukurudzirwawo kuti vaite zvose zviri kukurudzirwa nebazi rezvehutano munyika pamwe nereWorld Health Organization rinoona nezvehutano pasi rose.

Ongororo yaitwa neStudio 7 muguta reHarare nedzimwe nzvimbo inoratidza kuti kunyangwe munyika muri kutendererea mhando yeCovid-19 yeomicron iri kunzi nenyanzvi munyaya dzezvehutano inotapuriranwa zviri nyore, vanhu vakawanda havasi kupfeka mamask uye kugeza maoko nekuita zvimwe zvinokurudzirwa izvi.

Mufundisi Mazvarirashe Mabhufu vanotungamirira sangano rinonzi Wisdom Church International mumusha weBorrowdale vaudza Studio 7 kuti vanhu vakawanda havasi kuita zviri kukurudzirwa.

Mashoko aya atsinhirwa Muzvare Aileen Musamba vanoti nzvimbo dzemafaro ndidzo dzimwe dzinoparadziranwa chirwere cheCovid 19 nokuti vanhu vanopfeka mamask vachipinda asi voabvisa vave mukati pakunwa doro uye vanenge vasina kutarangana pakugara.

Muzvare Masamba vakurudzira kuti mafaro aya aitirwe panze kuitira kuti vanhu vafeme mweya wakachena sezvo denda iri ririkutapuriranwa munzvimbo dzakamanikidzana.

Asi VaLeverage Masvondo vanogara kuGlenview vanoti varikuona shanduko huru muvanhu vavanodyidzana navo uye vaendera mberi vachiti dzidziso dzokuchenjedza vanhu maringe nezvedenda iri inofanira kuendera mberi.

Nyanzvi yehutano Dr David Mukwekwezeke vanoti ichokwadi kuti vanhu varikutsvaga raramo asi zvinoda kuti munhu wese atevedzere zvose zvinochengetedza hupenyu hwavo.

Kudzivirira kupararira kwechirwere ichi, nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti vanhu vanofanira kubayiwa nhomba yeCovid.19. Hurumende yange iine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kusvika mukupera kwemwedzi uno. Asi kusvika parizvino vanhu vanodarika mamiriyoni matatu chete ndivo vabayiwa nhomba kaviri sezviri kukurudzirwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG