Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kuti Vangwarire Kusarumwa neNyoka Mwaka Uno


Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti panguva iyo mvura iri kunaya, veruzhinji vanofanirwa kungwarira kuitira kuti vasarumwe nenyoka dzinogona kuvhiringa hutano hwavo, kana kufa chaiko.

Imwe yenyanzvi idzi, Dr Josephat Chiripanyanga, avo vanoshandira paChinhoyi Mall Medical Centre, vanoti veruzhinji vanofanirwa kungwarira kuitira kuti vasarumwe nenyoka panguva ino yekunaya kwemvura.

Dr Chiripanyanga vanoti nguva ino nyoka dzinobuda mumwena madzo umo munenge mazara mvura dzichitsvaga padzinokwanisa kunzwa mushana zvakanaka.

Dr Chiripanyanga vanoti vanhu vanofanira kufamba vachiita mutsindo kuitira kuti nyoka idzi dzisuduruke munzira.

Chiremba ava vanoti zvakakosha zvikuru kuti vanhu vafambe vakapfeka shangu munguva dzehusiku nokuti nyoka dzinoruma kuzvitsitsinho nekutsoka.

Asi Dr Chiripanyanya vanoti nyoka zhinji dzemuyika muno hadzirume zvekuuraya, asi dzine huturu hunogona kuvhiringa hutano hwemunhu kana akanonokerwa kuwanirwa mushonga.

Dr Chiripanyanga vanoti kana munhu aching arumwa nenyoka, hama neshamwari dzinofanirwa kuuraya nyoka yacho, voenda nayo kuchipatara pamwe nemunhu wacho arumwa kuitira vana chiremba vazive nekukurumidza mishonga yavanofanirwa kupa munhu anenge arumwa.

Chiremba ava vanoti munhu anenge arumwa anofanirwa kuendeswa kuchipatara kuitira kuti arapwe nekukasika sezvo huturu hwedzimwe nyoka huchiuraya munhu.

Mutauriri webazi rinoona nezvemhuka nezviwanikwa, reZimParks, VaTinashe Farawo, vanoti kana munhu aching arumwa nenyoka anofanirwa kufanosunga pedyo neparumwa kuitira kuti ropa risatakure huturu uhu richihuparadzira nemuviri wese panguva iyo anenge achiienda kuchipatara.

Sangano reAfrican Snakebite Institute rinoti Zimbabwe ine nyoka dzakasiyana siyana dzinosvika makumi masere neimwechete.

Sangano iri rinoti Rovambira, ndiyo nyoka ine huturu hwakaipisisa pamhando makumi mana nesere enyoka dzinouraya muZimbabwe.

Dzimwe nyoka dzine huturu hwakaipisisa dzinosanganira Nyamafingu, Mhakure, Mhungu, Nyamubobo, Mbadza nedzimwe.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG