Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kusambunyikidza Kodzero dzeVana Vanozvarwa Nesikarudzi Mbiri Dzakasiyana


.

Nyazvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira mhuri kuti dzitsvagire vana vanozvarwa vaine sikarudzi mbiri yechirumene neyechidzimai kana kuti intersex kuti vatsvagire vana ava rubatsiro nekukukurumidza kuti vakwanisewo kugara hupenyu sevamwe pasina kutya.

Mukuru werime sangano rinomirira kodzero dzevane masikarudzi maviri reIntersex Community Trust of Zimbabwe, Amai Tsitsi Ndambambi vanoti varikushanda nevanhu makumi mana, vanosanganisira vana vacheche avo vakazvarwa vaine nhengo mbiri dzakasiyana.

Vanotungamira rimwe sangano rekodzero dzevanhu ava reTransSmart, Amai Gumisai Bonzo vatsinhirawo vachiti vakatanga kushanda nemaIntersex mushure mokunge avo vaimbove Senator wekuBuhera, muchakabvu Rejoyce Timire vakazivisa nezvemhuri dzaiva nevana vakazvarwa vaine sikarudzi mbiri vazhinji vacho vanosarurwa.

Amai Bonzo vapa mufananidzo wemwanakomana akatovhiringika pfugwa nokuti akararama hupenyu hwekuvharirwa mumba, uye akambosekwa naana mukoti vaisanzwisisa nezvedambudziko iri izvo zvakatozotadzisa kuti aenderere mberi nekurapwa mamwe matenda aimunetsa kuchipatara chemudunhu reBuhera.

Vaenderera mberi vachitiwo dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano hadzisi kunzwisisawo enzvedambudziko iri.

Munyori musangano reZimbabwe Doctors for Human Rights, Dr Norman Matara vati kunyangwe vasati vasangana nemunhu ane dambudziko iri, nyaya iyi inokwanisa kugadziriswa nekuvhiya pobviswa imwe nhengo kazhinji inenge isina kunyatsokura zvakakwana.

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvehutano, Dr Ruth Labode, vaudza Studio 7 kuti oparesheni iyi inotora nguva yakareba uye inodhura.

Doctor Labode vanoti panotangwa paitwa ongororo dzakawandisa oparesheni iyi isati yaitwa vakatiwo vanhu vane sikarudzi mbiri hadzisi ngochani sokufunga kunoitwa a nevamwe vanhu.

Ongoro yakaitwa pasi rose nesangano reUnited Nations zvakaonekwa kuti mwana mumwechecte kubva muchiuru chimwechete, anozvarwa aine nhengo mbiri dzesikarudzi dzachirume nechidzimai.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG