Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kuongororwa Maziso Kamwechete paGore Kuti Vasagume Vave Mapofu neZvinorapika


Nyanzvi munyaya dzezvehutanop dziri kukurudzira vanhu kuti vapote vachinovhenekwa maziso navanachiremba kamwe chete pagore sezvo zvimwe zvirwere zviri kupa kuti vazoita mapofu zvichikwanisa kurapika kana zvikaonekwa paine nguva.

Asi kunayngwe vamwe vasisaone, izvi handizvi zvinoita kuti vatadze kuita zvinoitwa nevamwe.

Mumusha weTynwald North, kuWestgate kune murume wechidiki, VaNathan Zaranyika vakawara nechirwere chemaziso chinonzi glaucoma anonzi nenyanzvi mukurapwa kwemaziso Dr Solomon Guramatunhu anovashamisa nekupinza kwenjere dzake sezvo achikwanisa kufamba asina tsvimbo uye kuita mabasa ehumhizha mumacomputer.

VaZaranyika avnoti iye akanodzidza kuNational University of Science and Technology uko kwavakatora Degree reComputer Science uye vaendera mberi vachiti vanhu vasingaone vanowanzo dzidza makosi emaArts asi ivo vakasarudza kuita ma sciences ayo vakapasa ne18 units paA’Level.

Vatiwo vanogona kuita basa rose repamba pasina dambudziko uye vaendera mberi vachiti maziso avo aivhomoka kubuda maanogara zvakapa kuti vazoitwa oparesheni yokuabvisa.

Mumwe muimbi akaita mukurumbira wekutsikisa mumhanzi aine vanorarama nehutachiona hweHIV, Andersen Mamimine anotiwo akaita dambudziko rekutadza kuona makore maviri apfuura nekuda kwedenda reglaucoma iri. Ati akabatwa nechirwere ichi mugore 2007 zvokuti aizviziva kuti nekufamba kwenguva, aizototadza kuona zvachose.

Mamimine anoti anosimudzirwa zvikuru naVaZaranyika avo akakura achitamba kuTynwald North, Westgate.

Asi Dr Guramatunhu vanoti nyaya yaMamimine inovarwadza chaizvo nokuti aisafanira kupofomara nokuti rimwe ziso raitonatsoona zvakanaka pavakapedzisira kumuona.

Mumwe muimbi ane mukurumbira munyika, Bob “Headmaster” Nyabinde haachaonewo zvichitevera kurwara kwenguva yakareba nechirwere cheshuga, icho chinokonzerawo denda reGlaucoma.

Doctor Guramatunhu vanoti zvirwere zvemaziso zvinokwanisa kurapwa chete nenyanzvi dzehutano uye vanoti mishonga yechivanhu haifanire kusvinirwa mumaziso nokuti inokanganisa tsinga dzokumaziso.

Vaendera mberi vachiti vanorapa vanhu vanosvika gumi pavhiki vane denda reglaucoma uye vakurudzira kuti munhu wese apote achimbonovhenhekwa maziso kamwechete pagore nokuti dambudziko iri rika kurumidza kubatwa, vanhu vanokwanisa kurarama vachiona zvakanaka kusvikira murufu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG