Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kunovhenekwa Kamwe Chete paGore naChiremba


Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira vanhu kuti vapote vachienda kunana chiremba vavo kunovhenekwa kamwechete pagore kunyangwe vasiri kurwara kwete kuzoenda kuzvipatara zvirwere zvakomba zvimwe nguva zvisisarapike.

Mukuru wesangano remubatanidzwa wemakambani emamedical aid anodarika makumi matatu munyika reAssociation of Healthcare Funders Association of Zimbabwe Amai Shylet Sanyanga vanoti kuongorororwa kamwechete pagore kana kuti annual check-up kwakakosha zvikuru panyaya dzezvehutano.

Mumwe chiremba aramba kudomwa nezita atsinhirawo achiti nyaya yekusada kuenda kunovhenekwa kuzvipatara itsika isina kunaka inopa kuti vakawanda vazorasikirwe nehupenyu.

Kunyangwe vamwe vaine makadhi emaInsurance ongororo dzakawanda dzinoratidza kuti havaende kunoongororwa naana chiremba sezvinokurudzirwa.

Asi Amai Grace Ruredzo vanoti murume wavo anobhadhara mari kuFirst Mutual Medical Aid Society vanoti vari kupota havo vachienda kunorapwa denda remoyo.

Asi vamwe munyika vakaita saAmai Emeldah Makumbe vari kuchema chema kuti mamwe makambani emamedical aid haasi kubhadhara mari dzinokwana kana voda kurapwa. Izvi zvave kupa kuti vamwe vanhu vatoregedze kubhadhara mari dzacho.

Imwe myanzvi munyaya dzezvehutano, Dr Josephat Chiripanyanga, vaudza Studio 7 kuti vanhu vari kunyanya kusangana nedambudziko iri ndevaya vane zvirwere zvinoda mishonga mazuva ose zvakaita se High Blood Pressure, HIV/Aids, Diabetes nemagomarara akasiyana siyana.

Dr Chiripanyanga vanoti izvi zvave kuvhiringidza hutano hwevanhu ava nokuti pese pavanoenda kunorapwa, vanotoburitsa imwe mari Izvo zvakonzera kuti vamwe vaende kunotenga mishonga kunze kwenyika zvokuti vamwe vana chiremba vari kurapa vanhu vazhinji nechikwereti vaine taririsiro yokuzobhadharwa nemakambani aya asi mari yacho inozouya kwapfuura gore isingachakwanisi kutenga kana kubhadhara vashandi vepamakiriniki avo.

Bazi rezvehutano mari yariri kuwana kubva kubhajeti renyika haikwane kuti itenge mishonga yekupa varwere nezvimwe zvinodiwa zvinopa kuti hutano hwevanhu hupinde munjodzi.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG