Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kukurumidza Kurapwa Chirwere cheGomarara


Imwe nyanzvi munyaya dzechirwere chegomarara dzinoti zvakakosha kuti munhu anenge abatwa nechirwere ichi, akurumidze kurapwa nana chiremba kuitira kuti chirwere ichi chisakombe mumuviri wake.

Imwe nyanzvi muchirwere chegomarara, Dr Nomsa Tsikai, avo vanoshanda neHarare Oncology Center, vanoti kana munhu achinge atanga kupihwa mushonga wekurapa gomarara, anofanirwa kuramba achishandisa mishonga iyi kudzamara audzwa nachiremba zvekuita.

Dr Tsikai vanoti chirwere chegomarara hachidi kupihwa mukana, nokuti chikamborwiswa nemushonga, munhu obva ambomira kutora mishonga iyi, chirwere ichi chinodzoka chiine hukasha hwakanyanya.

Dr Tsikai vanoti kunyange hazvo zvinhu zviri kuoma munyika, vana chiremba vachiri kutambira mari dzema bond notes. Asi vanoti zvitoro zvinotengesa mishonga zvinoda kubhadharwa nemadhora ekuAmerica, kuitira kuti zvitoro izvi zvikwanise kutenga mimwe mishonga.

Mumwe mudzimai akambosanganawo nedambudziko iri, Muzvare Netsai Dzinoreva, vanoti kurapa chirwere chegomara kunodhura zvikuru, sezvo pachidiwa mari yakawanda, iyo veruzhinji vasingakwanise kuwana.
Dr Tsikai vanoti zvakakosha kuti munhu agare aine muviri wakagwinya, uye kudya chikafu chisina mafuta akawanda, kuitira kuti munhu asabatwe nechirwere chegomarara.

Dr Tsikai vanoti gomarara repazamu ndiro rechipiri pamagomarara ese anouraya madzimai emuZimbabwe kana rikasakurumidzirwa kurapwa.
Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reCancer Association of Zimbabwe, Muzvare Pricilla Mangwiro, vanoti zvakakosha kuti munhu wese, angave mudzimai kana murume, anzwisise shanduko inoitika pamazamu, uye kukurumidza kunoongororwa nana mazvikokota.

Muzvare Mangwiro vanoti sangano ravo riri kukurudzira madzimai kuti vaongororwe kana kudzidziswa pachena mwedzi waGumiguru usati wapera, uyo unoshandiswa gore rega semwedzi weku.

Dr Tsikai vanoti Zimbabwe haina ruzivo rwakanyanya pahuwandu hwevanhu vane chirwere chegomara, kunyange hazvo chirwere ichi chiri kubata vanhu vanosvika miriyoni imwechete nemazana manomwe ezviuru pagore rega rega.
Dr Tsikai vanoti pavanhu vanofa nechirwere chegomarara, zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvevanhu ava, vanenge vaine gomarara repazamu.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG