Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kugwinyisa Muviri Kuti Vasarwarisa Vakabatwa neCovid-19


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti vanhu vanofanirwa kugara vakagwinyisa miviri yavo nguva dzose kuitira kuti kana vachinge vabatwa nechirwere cheCovid-19, vave nemukana mukuru wekupora kubva kuchirwere ichi.

Nyanzvi idzi dzinoti zvakakosha kuti vanhu vagare vachiita zvirongwa zvekugwinyisa miviri yavo nguva dzose kuitira kuti vave nehutano hwakanaka.

Kugwinyisa muviri uku kunogona kuitwa nenzira dzakawanda, idzo dzinosanganisira kuita zvemitambo, kumhanya, pamwe nekufamba zvinoitakuti vabude, unova mucherechedzo wekuti huwandu hwemafuta ari mumuviri, hunenge huchideredzwa.

Mumwe mudzidzisi wepachikoro chemapusoro soro, Doctor Tendai Charity Nhenga, vanoti pavakarwara nedenda reCovid 19 gore rino, vakapiwa mubhedha kwaMutare uko kwavakaona vanhu vaiva vapihwawo mibhedha vakange vaine miviri yakakurisa zvikuru.

Doctor Nhenga vanoti pavakaziva nezvedenda iri gore rakapera, vakatanga kuita zvokufamba vachigwinyisa muviri wavo. Vanoti vane chokwadi kuti kusimbisa kwavaiita nyama dzavo kwakabatsira zvikuru mukupora kwavo.

Doctor Nhenga vanoti mudzinza ravo mune vanhu vane mhumhu mukuru, pamwe nehuremu husingawirirane nehurefu hwavo.

Vanoti vazhinji vevanhu ava vanorwara nezvirwere zveshuga, High Blood Pressure izvo zvinoita kuti vadhererwe nezvirwere zvakawanda, zvinosanganisira Covid-19.

Mukuru weDepartment of Chemical Pathology paUniversity of Zimbabwe School of Medicine, Muzvinafundo Hilda Matarira, vanoti veruzhinji vanofanirwa kugara vachigwinyisa miviri yavo kuburikidza nekuita mitambo kana mabasa anoita kuti vabude dikita.

Muzvinafundo Matarira vanoti kubudisa dikita mumuviri kunoita kuti tsinga dzinoendesa mweya kumapapu, dzigare dzakavhurika.

Muzvinafundo Matarira vanoti paongorora yavakaita kuEpworth nemuHarare, zvakaonekwa kuti vanhu ava vaisaziva kuti denda reCovid 19 rinokwanisa kuparadzirwawo nevanhu vasina zvinoratidza kuti vane denda iri, asi vainaro, izvo vanoti zviri kuita kuti denda iri ripararire zvakanyanyisa.

Sangano reDiabetic Association of Zimbabwe rinoti nepamusana pekuti vanhu vakawanda havaongororwi chirwere cheshuga, ndizvo zviri kukwidzawo matenda emoyo, hupofu, nekugurwa kwemakumbo zvokuti Covid 19 ikabata vanhu vakadai vasiri kutora mishonga, inokwanisa kuvauraya.

Ongororo yakaitwawo zvakare nebazi rezvehutano inoratidza kuti munhu mumwe chete kubva muvanhu gumi munyika, ane chirwere cheshuga.

Mutevedzeri wemukuru anoona nazvematenda asingatapuriranwe mubazi rehutano, Dr Justice Mudavanhu, vanoti hurumende ine hurongwa hwekupinda munzvimbo dzakasiyana siyana ichichenjedza veruzhinji pamusoro pechirwre cheshuga nokuti zvakaonekwa kuti vanhu vanonyanya kuvhiringwa nedenda reCovid 19, vanhu vane zvirwere zveshuga, High Blood Pressure, uye nguva zhinji, vari vanhu vanenge vasiri pamishonga.

Asi Dr Madavanhu vanoti chirongwa ichi chakambomiswa nekuda kwemitemo yakatarwa nebazi rehutano iyo isingabvumidze kuungana kwevanhu munguva ino yekurwisa Covid 19.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG