Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kudya ZveChinyakare Kudzivirira Kubatwa neGomarara


Vanhu vakawa munyika vari kurasikirwa nehupenyu nekuda kwezvirwere zvakaita sechegomarara, asi vamwe vanamazvikokota munyaya dzezvehutano vanoti huwandu hwevari kufa nechirwere ichi hunogona kudereredzwa nekudya cikafu chine hutano zvikuru chechinyakare.

Mukuru weDepartment of Chemical Pathology paUniversity of Zimbabwe School of Medicine, Muzvinafundo Hilda Matarira, vaudza Studio 7 kuti tsvagurudzo yakaitwa nenyanzvi munyaya dzezvirwere yakaburitsa kuti chikafu chinokuiwa paguyo chinobatsira mukudzivirira vanhu kuti vasarware nechirwere ichi nezvimwe zvizhinji zvinonzi hazvirapike.

Muzvinafundo Matarira vanoti vane shungu chaizvo yokudzidzisa ruzhinji maringe nezveongororo iyi iripasi pechirongwa cheCancer Nutrietics Cure Campaign, iyo yakaburitsa gwaro rinotaura kuti zvirwere zvese zvinokwanisa kurapwa nechikafu chinobva paguyo nokuti panopfupfunyuka anonzi nechirungu ma ‘minerals’, ayo anobatsira pakugadzirisa hutano hwemunhu pasina kunwa mishonga inodhura.

Tsvagurudzo iyi yakatora makore masere ichiitwa naana Muzvinafundo vemapazi akasiyana siyana paUniversity of Zimbabwe School of Medicine, avo vakaona kuti zvinopfupfunyika paguyo nehuyo zvinokwanisa kubatsira pakuraramisa vagari vemunyika muno nemuAfrica yese kwemakore akawanda.

Muzvinafundo Matarira vanoti vakajekeserwa kuti matombo anopfupfunyuka kubva paguyo ndiwo mushonga mukuru unorapa zvirwere zvinonzi hazvirapike.

VaMatarira vaenderera mberi vachiti zvinopfupfunyuka izvi zvinogona kuiswavo mumvura yakachena kuti munhu anwe, zvichibatsira mukupora kwake. Vakurudzira vagari vekumaruwa kuti vadzokere mukudya chikafu chaigadzirwa pasichigare, vakaenderera mberi vachiti vagari vemumadhorobha vanokwanisa kusanganisa zvinobva paguyo nehupfu hunogaiwa nemichina yedhizhiri.

Muzvinafundo Matarira vati vanoda kuti vanhu vazive kuti chikafu chine shuga chinotowedzera chirwere chegomarara.

Gurukota rezvehutano, Doctor Obediah Moyo, vakaparura chirongwa cheCancer Nutrietics Cure Campaign musi wa19 Mbudzi. Parizvino, pave nevanhu vanodarika zana vari kufambisa mashoko etsvagurudzo iyi muZimbabwe nenyika dzemuAfrica.

Muzvinafundo Matarira vakanyora gwaro rekuti vanhu veZimbabwe vazive nezvekudya zvinobva paguyo nehuyo, vachiti zvimwe zvidyiwa zvemazuva ano zvakapepetwa hazvina hutano zvachose.

Vanotizve, kunwa mutuvi, uyo unowanikwa panovodzekwa mukaka wakakora, chimwe chezvinhu chinobatsira pakudzivirira chirwere chegomarara.

Vana mazvikokota nenyanzvi dzinoona nezvechirwere chegomarara dzinoti vanhu vanodarika zviuru zvishanu varikubatwa nechirwere ichi pagore rega rega, vachitizve vazhinji vacho vanozoenda kunoona anachiremba chirwere chatopararira zvekuti chinenge chavekunetsa kurapa.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG