Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vogunun'una Nekutadza Kupihwa Mari Dzekubatsirikana Dzakavimbiswa neHurumende


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Vamwe vagari vemudunhu reMasvingo vari kuchema chema kuti hurumende yononoka kutumira mari yavakavimbisa kuti vawane raramo munguva yelockdown iyo yakawedzerwa nevhiki mbiri idzo dzave pedyo nekupera.

Hurumende yakaparura chirongwa cheku batsira vanhu munyika mose nemari yekuti vararame kunyanya avo vairarama nekutengesa vasingasakwanisi kuita basa ravo nehurongwa hwayo hwkuti vanhu vagare mudzimba kuitira kudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus.

Vachitaura neStudio7, vagari vazhinji vairarama nekutengesa vanoti vakanyoreswa mazita pakachikamu chekutanga chekunzi vagare mudzimba kwemavhiki matatu vachinzi vachapiwa mari inosvika madhora mazana maviri emabond pamunhu, asi hapana chavati vawana.

Amai Sungano Zvarebwanashe, vanoti mazua ekugara mudzimba akatosvika pakuwedzerwa nemamamwe mavhiki maviri asi chabuda hapana.

Amai Hilda Sibanda, vanotiwo nyaya yenzara yabata vagari vakawanda kunyanya vari pamudya ndigere nekudaro vanokurudzira hurumende kupa vanhu mari iyi nechimbichimbi.

Vamwewo vanoti zvaiwana ngwarati pakunonoka kuuya kwemari iyi vachiti vainyora vaiita chizivano uye zvematongerwe enyika vachinyora vebato rimwe chete mamwe achisiiwa.

VaLloyd Mufudze vekwaMupandawana kwaGutu, vari kupomera veZanu-PF mhosva yekunyoresana mazita vachisiya vemapato anopikisa nokudaro vanoti vanofara zvikuru kana mari iyi isirikuya.

Mukuru webasa musangano rinomirira vanotengesa mumigwagwa re Vendors Initiative for Social and Economic Transformation (VISET), Va Wadzai Mangoma, vanoti hurumede inofanira kupa nhengo dzavo mari iyi nekukasika nekuti nguva yacho yarebesa.

Mutauriri wekomiti ye Covid-19 Taskforce ,mudunhu reMasvingo, VaRodgers Irimayi, vanoti vanhu vakanyorwa zvakanaka pasina rusarura rwezve matongerwe enyika uye mari iyi yave pedyo nekuuya.

Zvichakadaro vamwe vagari vemudhorobha reMasvingo vave kutyira kubata chirwere che covid-19 mushure mekupedza mazuva maviri vasina mvura mudzimba dzavo. Kudzivirira chirwere ichi vanhu vanokurudzirwa kugara vachigeza maoko nguva zhinji.

Asi vagari venzvimbo dzakaita seku Runyararo West, KMP, Sisk, Rhodene nedzimwe vave vakabatira hura mumaoko sezvo vave kubuda panze pedzimba vachisangana neveruzhinji kuzvibhorani.

Amai Sibanda vekuKMP vanoti vatarisana nematambudziko maviri ekushaiwa mari yechikafu pamwe nemvura iyo isiri kuuya.

Meya weguta reMasvingo, Clr Collen Maboke, vati pane mapaipi akadhuuka kunopombwa mvura kudhamu reMtirikwi uye vashandi vavo vari mubishi kugadzirisa dambudziko iri.

Asi vame vagari vanoti chero isiri nyaya yemazuva maviri aya mvura yavanowana pazuva ishoma nekuti inobuda kwe maawa mashoma pazuva izvo zvinoita kuti vasakwanise kudzivirira Covid-19 zvakazara.

Nyaya Ina Godfree Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG