Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vocherechedza Chirwere cheGomarara repaZamu


Apo pasi rose riri kucherechedza mwedzi waGumiguru semwedzi wedzidziso yechirwere chegomarara repazamu, sangano reCancer Association of Zimbabwe rinoti riri kushushikana zvikuru kusanyatsonzwisisa nezvechirwere ichi kunoitwa nevamwe vanhu munyika.

Sangano iri rinoti kune vanhu vakawanda vanoti vakabatwa nechirwere chegomarara, vanotanga vamboenda kumaporofita kana kun’anga, vozopedzisira vaenda kunana mazvikokota chirwere ichi chakomba, izvo zvinozoita kuti kurapika kwacho kunetse.

Chipangamazano musangano reCancer Association of Zimbabwe, Muzvare Priscilla Mangwiro, vanoti zvakakosha kuti vanhu vaende kunana chiremba vane hunyanzvi kana vachinge vawirwa nedambudziko iri.

Muzvare Mangwiro vanoti zvakakosha kuti vanhu vagare vakaongororwa chirwere chegomarara, zvikuru repazamu.

Muzvare Mangwiro vanoti gomarara repamazamu ndiro rechipiri pamagomarara ese ari kuuraya vakadzi muZimbabwe.

Muzvare Mangwiro vanoti kubva musi waGumiguru 1 apo pakatanga chirongwa chavo chekucherechedza mwedzi waGumiguru semwedzi wekuti vanhu vazivisane nezvechirwere chegomarara, sangano ravo raongorora madzimai anodarika makumi mashanu, uye huwandu hucharamba huchikwira kusvika panopera mwedzi uno.

Mushure mekunzwa nezvechirongwa cheCancer Association of Zimbabwe, mumwe mudzimai, Amai Gertrude Magwaniza, vanoti vakaenda nemwanasikana wavo kuti aongororwe zibundu raiva muzamu rake.

Muzvare Mangwiro vanoti pane zvinhu zvakawanda zvinoisa madzimai panjodzi yekuva nechirwere chegomarara yepamazamu.

Muzvare Mangwiro vanoti vakadzi vanofanirwa kuongorora shanduko inoitika pamazamu avo, uye vakaona paita shanduko, vanofanirwa kukurumidza kuongororwa.

Muzvare Mangwiro vanoti vanhu vazhinji vanofunga kuti munhu akabatwa nechirwere chegomarara zvinoreva kuti ava kutofa asi pane zvakawanda zvinoitwa kuti vakadzi vabatsirwe vachizorarama kwemakore akatowandisa.

Muzvare Mangwiro vanoti zvimwe zvezvinhu zvinokonzera chirwere chegomarara kudya chikafu chine mafuta netsvigiri yakawandisa.

Muzvare Mangwiro vari kukurudzira madzimai kuti vashandise mukana wemwedzi waGumiguru kuti vaongororwe chirwere chegomarara, pamwe nekudzidziswa nezvechirwere ichi.

Vanhu vanodarika zviuru zvishanu vari kubatwa nechirwere ichi pagore rega rega uye vazhinji vavo vanozoona vana chiremba chirwere chakomba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG