Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vochema Chema neKudzoka kweMapurisa Mumigwagwa


Vatyairi vedzimotokari zvikuru sei dzinotakura vanhu vanoti mapurisa ave kuvashungurudza kudarika zvavaiitwa nguva yevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari pachigaro.

Vatyairi ava vanoti mapurisa ari kuvabvunza zvinhu zvakawanda zvakasiyana zvakaita segwaro rekufambisa motokari, mutero unobvumira kuti motokari ifambe mumigwagwa, mavhiri emotokari uti haana kupera here pamwe nekuona kuti motokari dzinenge dzakatakura vamwe vanhu here.

VaIshmael Togarira vanoti kuwanda kwemapurisa mumigwagwa zvinoratidza kuti vari kuda kuenda kunoita huori mumigwagwa.

Mumwe mutyairi VaInnocent Mugijima vanoti mapurisa emumigwagwa anofanirwa kuchinjwa votora vamwe vavanodzidzisa kwete mapurisa akare anoziva huori hwavaiita munguva yakare.

VaMugijima vanoti mapurisa vave kufamba munzvimbo dzinogara veruzhinji vachibata motokari dzinenge dzisina zvinhu zvakakwana.

Asi mumwe mutyairi anoda kuzivikanwa nezita rekuti Big Dhara anoti zviri kuita mapurisa zvakanaka sezvo kuwanda kwavo kuchidzivisa kuparwa kwemhosva sezvo vanhu vanenge vave kuytya.

Big Dhara anoti mapurisa vanofanirwa kuwandira munogara vanhu sezvo vanhu vave kubirwa zvakanyanya nekuda kwekuoma kuri kuita zvinhu munyika.

Mutauri wemapurisa mudunhu reMashonaland West VaClemence Mabgweazara vanoti mapurisa vakadzidzisa vatyairi gore rapera vachivaudza zvinodikanwa kuti motokari dzishandiswe kutakura vanhu nekudaro yave nguva yekusunga vose vanotyora mitemo yemumigwagwa.

Vatyairi vanoti mapurisa haafanirwe kunge achiita zvekuvahwandira asi kuti vabude pachena pavasingazoisewo hupenyu hwavo munjodzi.

Vanotiwo vatyairi vanenge vawanikwa vaine mhosva vanofanira nguva yekubhadhara kwete kumanikidzira kuti vabhadhare pamaroad blocks.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG