Accessibility links

Breaking News

Vamwe VeMutupo weGushungo Voramba Kutsigira Zanu-PF kwaZvimba


VaPresident Robert Mugabe
VaPresident Robert Mugabe

Apo sarudzo dzasarwa nemazuva makumi maviri nerimwe kuti dziitwe, pane kukandirana makobvu nematate kuZvimba North pakati pevari kukwikwidzana musarudzo idzi.

Asi imwe nyaya yopa kuti Zanu-PF itatarike kutsvaga rutsigiro inyaya yekti vanhu vemutupo wekwaGushungo vari kuratidza kunyunyuta kwakanyanya nenyaya yekubviswa pachigaro nechisimba kwakaitwa vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Nhengo yeMDC Alliance iri kukwikwidza munzvimbo yeZvimba North,
VaGodfrey Lunesu vanoti vari kukwikwidza vakamirira Zanu-PF Amai Marian Chombo avo vaimbove mudzimai wegurukota rezvehupfumi VaIgnatius Chombo, hapana shanduko yavanounza sezvo ivo nemurume vakapedza makore vasina chavakaitira nzvimbo iyi.

VaLunesu vanoti musha mukadzi nokudaro Amai Chombo vangadai
vakabatsira vaimbove murume wavo kuunza shanduko asi vakatadza.

Asi Amai Chombo vanoti kushaya budiriro muZvimba North kwakazoitika
vasiyana naVaChombo.

Amai Chombo, VaLunesu naAmai Tacla Imbayarwo vebato rePeople’s Rainbow
Coalition vanoti nyaya yekuti nzvimbo yeZvimba North yakawanda
madzishe nemasabhuku emutupo wekwaGushungo dziri hama dzevaimbove
mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe inopa kuti zvinetse kuti vatambirwe zvakanaka.

Amai Chombo vanoti vakawanda vemadzishe nemasabhuu vachiri kurwadziwa
nekubviswa kwakaitwa VaMugabe pachigaro.

Nhengo dzamapato ose dziri kukwikwidza munzvimbo iyi dzinowirirana
kuti nyaya yekuwanisa vanhu mvura, kuvakwa kwezvikoro nemakirinii zvimwe
zvezvinhu zvinofanirwa kugadziriswa nemunhu anenge akunda musarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG