Accessibility links

Breaking News

Vanhu vekwaMutoko Vopa Pfungwa Dzavo paNyaya yeHurumende yaVaMnangagwa


VaRobert Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa
VaRobert Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa

Vamwe veruzhinji kwaMutoko mudunhu reMashonaland East vari kushora hurumende yakapinda panyanga zvichitevera kubviswa pachigaro kwevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro nemauto muna Mbudzi gore rapera vachiti vave kutotambura zvakanyanya pasi pehurumende iyi.

Vachitaura pamusangano wainge wakarongwa neStudio 7 neMedia Centre uchitsigirwa nemuzinda we America muZimbabwe nemusi weChina, vazhinji munzvimbo iyi vakati vakafara chose pakaenda VaMugabe asi pari zvino hapana shanduko yavati vaona. Vamwe vakaita saVaKingstone Ngururu vakati zvinhu zviri kutoramba zvichioma.

VaNgururu vanoti zvakakosha kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iite zvido zvevanhu kwete kuramba ichiita zvaiita hurumende yaVaMugabe.

Vanoti vaoona sekuti nguva yareba hurumende itsva isati yatanga kuvandudza zvinhu. VaItai Zenda ndemumwewo akapinda mumusangano wanezuro vanoona sekuti hapana musiyano pakati pehurumende yaVaMnangagwa neyaVaMugabe.

VaMapango Mapengo avo vanogara muWard 20 vanoti maitiro ehurumende anoratidza kuti ine mari asi haina hany’a yekusimudzira magariro evanhu.

Asi Amai Sharleen Makomo vakati hurumende yaVaMnangagwa yakaunza rusununguko vachiti ikozvino vave kukwanisa kuita zvinhu zvavange vasingaite panguva yaVaMugabe.

Mumwewo mugari akapinda mumusangano uyu akatenda mauto naVaMnangagwa nezvavakaita zvekubvisa VaMugabe pachigaro uye akati vana veZimbabwe vanofanira kudzidza kubva pane zvakaitika muna Mbudzi gore rapfuura.

VaMnangagwa avo vainge vadzingwa basa semumwe wevatevedzeri vemutungamiriri wenyika, ndivo vakazodomwa semutungamiriri wenyika zvichitevera kuenda kwaVaMugabe.

VaMnangagwa vakazokunda zvakare musarudzo dzemutungamiriri wenyika dzegore rino ino dzinonzi neMDC Alliance dzakabirwa zvine mutsindo.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG