Accessibility links

Breaking News

Vanhu vekuBinga Vakapazirwa Dzimba neMafashamu Vonetseka neChikafu


Binga

Mumiriri weBinga North mudare reparamende, VaPrince Dubeko Sibanda vanoti kunyange hazvo mvura yakanga yakajenga munzvimbo dzakawirwa nemafashamu kuNsungwale kuBinga yadzikira, dambudziko guru rakatarisana nevagari vane misha yakaparadzwa ndere kushaiwa chikafu.

VaSibanda vanoti rubatsiro rwapiwa kumhuri dzakarasikirwa nezvekudya nderwechibage chavanoti vachikapiwa vanhu negurukota redunhu rematabeleland North, VaRichard Moyo, avo vavanoti vakashanyira nzvimbo iyi nezuro.

Asi VaSibanda vanoti hazvibatsire kupa vanhu chibage sezvo vasina kwekuzochigayisa nekuti zvigayo zvose mudunhu iri zvakakanganiswa nemafashamu aya.

VaDubeko Sibanda vanoti vanhu vanodarika mazana mana vanogona kunge vakakanganiswa nemafashamu aya. Studio 7 yaedza kubata vakafanobata chigaro chamudzviti weMatabeleland North, VaFarai Marimanyane, asi vati vanga vasingagoni kutaura nesu sezvo vanga vari mumusangano.

Hurukuro naVaPrince Dubeko Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG