Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatatu Vofa, Vana veChikoro Makumi Matatu neVana (34) Vachibatwa neChirwere Ichi


Bazi rezvehutano rinoti nezuro vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 4, 691.

Vanhu makumi matanhatu vakabatwa nechirwere ichi uye pavanhu ava pane vane vechikoro makumi matatu nevana vakabatwa nechirwere ichi.

Pavana ava makumi maviri vari kuMatabelaland South, gumi nevana vari kuMasvingo. Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga yeCovid 19 vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana mana nemasere ane mazana matanhatu negumi kana kuti 3 408 610.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri sezvinokurudzirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu nemakumi matanhatu nemapfumbamwe zvine mazana manomwe nemakumi mana nemapfumbamwe kana kuti 2 669 749.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda,

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG