Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatatu Vofa neCovid-19 Iyo Yapararira muZvikoro Kunyangwe Hurumende Iri Kuti Yakagadzira


Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weSvondo kuti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika. Pavanhu ava, vaviri vakafira kuBulawayo mumwe chete kuMasvingo.

Vanhu vafa nechirwere ichi munyika vave mazana maviri nemakumi matanhatu nevasere kana kuti 268 kubva zvachatanga kupararira muna Kurume.

Vamwe vanhu makumi mana nevasere vakabatwawo nechirwere ichi nemusi weSvondo wakare zvichireva kuti vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga vave zviuru zvipfumbamwe nemazana maviri nemakumi maviri kana kuti 9,220.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave zviuru zvisere nemazana maviri nemakumi mashanu kana kuti 8, 250 mushure mekunge vamwe vanhu gumi nevashanu vapora nemusi weSvondo. Vanhu vachiri kurwara mazana manomwe nevaviri kana kuti 702.

Hurumende inengewo yave kutatarika zvakanyanya kudzivirira kupararira kwechirwere ichi muzvikoro, zvikoro zvakaita seJohn Tallach High School, Emakhandeni Primary School, Matopo High, Prince Edward, National University of Science and Technology, Chinhoyi University of Technology nezvimwe zvakazivisa kuti zvine vana nevarairidzi vainge vabatwa nechirwere cheCovid-19.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga vakayambira kuti chirwere ichi chinogona kudzoka zvine hukasha sezvo vanhu vasisatevedzeri kurudziro dzekumisa kupararira kweCovid-19.

NeMuvhuro chikoro cheChinhoyi High chinonzi change chichirambidza vamwe vana kupinda mushure mekunge mumwe mwana abatwa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera.

Pasvika Studio 7 pachikoro ichi mangwanani vana vose vanodzidza vachibva kumba vange vachidzoserwa kudzimba. Vana vanga vachibvumirwa kupinda pachikoro vana vari kunyora bvunzo chete.

Vakafanobata chigaro chemukuru webazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Gift Masoja vanoti vakakurudzira kuti vana vambomisa zvidzidzo nekutyira kuti chirwere ichi chinopararira pachikoro ichi.

Dr Masoja vanoti vakabva vawongorora vamwe vana vanosvika makumi mashanu nevashanu vanodzidza nemusikana uyu pamwe nevadzidzisi gumi vakambodzidzisa vana ava svondo rapera.

Patabvunza kuti matanho api avari kutora kuti vana vari kunyora vachibva kumba nevanogara pachikoro vasa tapurirane chirwere, mukuru webazi rezvedzidzo mudunhu reMashonaland West VaGabriel Mhuma vati vana vari kunyora bvunzo vanodzidza vachibva kumba nevanodzidza vachigara pachikoro vanonyora mumakamuri akasiyana.

Mumwe mwana adzoserwa kumba uyo watisingakwanise kudoma nezita sezvo asati abvazera anoti vadzoserwa kumba vachinzi vazodzoka kuchikoro kupera kwemwedzi uno.

Vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa Dr Henry Madzorera vanoti vadzidzi vari pazvikoro zvine vana vakabatwa nechirwere cheCovid-19 vanofanirwa kuwongororwa vose.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dzimwe nhengo dzedare reparamende dzakakurudzira hurumende kuti ivhare zvikoro sezvo chirwere cheCovid-19 chave kupararira asi vanotungamira mabasa ehurumende mudare iri vari gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakati hurumende yakagadzirira.

Mashoko aya atsinhirwa nevanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro avo vati zvikoro zvishoma ndizvo zvawirwa nedambudziko uye vari kukurudzira zvikoro kuti zvitevedzere kurudziro yavari kupa nebazi rezvehutano kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Hurukuro naTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG