Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashoma Vakabayiwa Nhomba yeCovid-19 Voenda kuMakereke neMusi weSvondo


Makereke mashoma akavhura nemusi weSvondo asi vanhu vashoma vachienda kunonamata zvichitevera mashoko ehurumende ekuti vakabayiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 chete ndivo vanopinda muchechi.

Imwe chechi yainge yakavhurwa muChinhoyi iApostolic Faith Mission in Zimbabwe-AFM-iyo yapindwa nevanhu gumi nevapfumbamwe chete. Asi chirwere cheCovid-19 chisati chatanga kupararira gore rapera, kereke iyi yaipindwa nevanhu vanodarika zana.

Sachigaro wekereke iyi VaGabriel Mhuma vanoti vaita zvose zvinodikanwa kuti vavhure sezvo vanga vachibvunza munhu wese kuti ane kadhi here rino ratidza kuti akabayiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

VaMhuma vanoti vari kunyora mazita evanhu, nhamba dzemakadhi anopihwa munhu kana abayiwa nhomba, nhamba yepamba panogara pamwe nenhamba dzefoni kana munhu ayine foni.

Vaenderera mberi vachiti hazvina kuvanetsa sezvo vakazivisa vanhu nezuro pamadandemutande kuti vakabayiwa nhomba dzose dziri mbiri ndivo chete vachabvumirwa kupinda muchechi.

Mumwe mukuru wechechi yeSalvation Army iyo yanga yakavhura Sgt Major Clifford Chikuya vanoti vanhu vashoma ndivo vauya kuchechi nhasi vachiti vakawanda vanenge vakabayiwa nhomba yekutanga chete.

Mumwe mutendi weAFM VaCuthbert Madzivanzira vanoti danho rehurumenderekuti vakabayiwa nhomba chete ndivo vanobvumirwa kupinda muchechi rakanaka zvikuru.

Hurumende yakazivisa svondo rino kuti makereke achavhurwa asi vanhu vakabayiwa nhomba yekudzivirira kupararira wechirwere cheCovid-19 ndivo vanofanirwa kuenda kuchechi chete.

Mubatanidzwa weZimbabwe Heads of Christian Denominations, ZHOCD, wakazivisa kuti danho rehurumende iri rakanaka asi rinonetsa kutevedzera sezvo kereke isingagone kudzinga vanhu vanenge vauya kuchechi ichivati havana kubayiwa nhomba.

Asi mutauiriri wemutungamirti wenyika VaGeorge Charamba nemusi weChishanu vakabva vatuka makereke aya padandemutande ravoreTwitter vachidoma munyori weZHOCD, VaKenneth Mtata, nezita kuti kuramba kwavo uku kune chekuita nezvematongerwo enyika. VaMtata vakaudza Studio 7 kuti danho ravo harinei nezvematongerwo enyika.

Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vanova mufundisi zvekare vachinyora padandemutande ravo reFacebook vakatiwo hurumende haina kutanga yagara pasi nevemakereke kuti pawiriranwe kuti poitwa sei pakuvhura makereke zvisingapinze hupenyu hwevanhu munjodzi.

Studio 7 haina hayo kuona mapurisa achitenderera mumakereke sezvakavimbiswa kuti vanogona kuita. Asi mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati tivabate neMuvhuro kuti tinzwe kuti pane vakasungwa here nekutyora mitemo yeCovid-19 mumakereke.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG