Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashoma Shoma Voenda Kunobayiwa Nhomba yeCovid-19


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga

Kunyangwe hazvo Zimbabwe iri kuti yatenga nhomba dzeCovid-19 dzinodarika mamiriyoni gumi kusvika parizvino, huwandu hwevanhu vari kuenda kunobayiwa nhomba huri kuramba huchidzikira zvakanyanya zvekuti kusvitsa huwandu hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba munaZvita zvichanetsa.

Kuti Zimbabwe ikwanise kubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba inofanira kuti pazuva ibaye vanhu vanodarika zviuru makumi matanhatu nhomba pazuva. Nezuro bazi rezvehutano rakati vanhu zviuru zvisere nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevashanu kana kuti 8 395 vakabayiwa nhomba.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vari mutungamiriri wesangano reMedical and Dental Private Practitioners of Zimbabwe Association Dr Johannes Marisa vaudza Studio 7 kuti vanoona kuti huwandu hwevari kubaiwa hurikudzikira zvakanyanya kuzvipatara zveruzhinji pamwe nezvipatara zvakazvimiririra.

VaMarisa vakurudzirawo kuti kunyangwe hazvo huwandu hwevarikufa nekubatwa nechirwere ichi hurikudzika veruzhinji vanofanira kuramba vachibaiwa nhomba.

Vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa Dr Henry Madzorera veMDC Alliance vatiwo zvakakosha kuti hurumende irambe ichiita zvirongwa zvinokurudzira kuti veruzhinji vabaiwe nhomba.

Mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vati zvakakosha kuti vanhu vabayiwe nhomba nekuti ongororo yakaitwa nebazi ravo yakaburitsa pachena kuti vanhu vanodarika zvikamu makumi mapfumbamw kubva muzana vakafa neCovid-19 vainge vasina kubayiwa nhomba.

Mumwe mukoti pane chimwe chipatara chirikubaya nhomba asina kuda kubuda pamhepo audzawo Studio 7 kuti kubva zvatanga kudzika huwandu hwevarikufa nekurwara nechirwere cheCovid-19 huwandu hwevarikubaiwa nhomba hwave kudzikira.

Vamwe vari kutiwo nyaya dzekunyepa dziri kubuda pamadandemutande akaita seWhatsApp neFacebook dziri kupa kuti vanhu vazengurire kubayiwa nhomba.

Nyaya yekuti vanhu vari kutenda mashoko anonzi nenyanzvi ndeekunyepa ave kupa kuti dzimwe hurumende dzakaita seZimbabwe neAmerica dzimanikidze vanhu zvikuru vashandi kuti vabayiwe nhomba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG