Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashanu Vanofa neChirwere cheCholera muHarare


Vanhu vashanu vakashaya muHarare mushure mekupararira kwechinofungidzirwa kuti chirwere cheCholera kuBudiriro neGlen View.

Vamwe vanhu makumi matatu nevatanhatu vari kufungidzirwawo kuti vakabatwawo nechirwere ichi vari kurapwa kuBeatric Road Infectious Diseases Hospital muHarare. Vari muzvipatara vari kubva ku Glen View 3, Area 8 ne Budiriro.

Gurukota rezvehutano Doctor David Parirenyatwa vakaudza vatori venhau muHarare nezuro kuti pane chibhorani chinofungidzirwa kuti chinogona kunge chiri kuburitsa mvura yakasangana netsvina.

Nekudaro, vakakurudzira vagari kuti vaite zvehutsanana, zvikuru panyaya yemvura yekunwa. Vanenge vabatwa nechirwere ichi vanoonekwa nekurutsa uye kuita manyoka. Muna 2008 kusvika muna 2009, vanhu vanodarika zviuru zvina vakashaya nechirwere checholera ichi.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vanoti kanzuru yavo ichiri kuferefeta nekuongorora nezvenyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG