Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vapfumbamwe Vanoshaya Mutsaona yeBhazi neRori muKwekwe


Vanhu vapfumbamwe vanonzi vafa neChitatu mangwanani apo bhazi reZUPCO range rakananga kuChipinge rakarovera parori yange yakamira mumugwagwa weKwekwe - Gweru.

Njodzi iyi inonzi yaitika pedzyo nejeri reConmara chinhambwe makiromita makumi matatu kubva muKwekwe.

Mutauriri wemapurisa, Superintendent Andrew Phiri, vati vanhu gumi nevasere vakuvarawo munjodzi yebhazi reZUPCO.

Vamwe vane ruzivo nezvaitika vanoti kwange kuine mhute uye rori yange yakatakura masimbi yange isina kunyatsobuditswa mumugwagwa zvakapa kuti mutyairi webhazi abondere.

Izvi zvave kureva kuti njodzi dzemumugwagwa dzauraya vanhu vanosvika makumi maviri nevapfumbamwe kubva musi weSvondo.

NeMuvhuro vanhu gumi nevatatu vakafa kuMbembesi mushure mekunge kombi yabheuka, vamwe vatanhatu vakafa mushure mekunge kombi yaibva kuWedza ichienda kuChitungwiza yapidiguka mushure mekuputika tayi.

Mumwe munhu akafa kwaZvimba mutsaona yakaitika nemotokari yemapurisa yaiperekedza mutungamiri wenyika apo yakaroverana nekombi yaive nevanhu.

XS
SM
MD
LG