Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vana Chete Vobatwa neChirwere cheCovid-19 muNyika


Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakanga hwasvika pazviuru zvinomwe nemazana mapfumbamwe negumi nepfumbamwe na kuti 7, 919, zvichitevera kubatwa kwevanhu vana nechirwere ichi. Vanhu vana vose ava havana nhoroondo yekubuda kunze kwenyika.

vanhu vafa nechirwere ichi munyika yose vachiri mazana maviri nemakumi maviri nevapfumbamwe.

Nezuro hakuna munhu akafa nechirwere ichi. Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi, vava zviuru zvitanhatu nemazana mana nemakumi mana nemumwe chete, kana kuti 6,441, zvichitevera kupora kwemunhu mumwe chete nezuro wakare.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti vanhu vabatwa nechirwere ichi pasi rose vadarika mamiriyoni makumi matatu nematanhatu kana kuti 36 million.

Vafa nechirwere ichi, vadarika miriyoni imwe chete. America ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi, avo vadarika mamiriyoni manomwe nezviuru mazana mashanu kana kuti 7, 5 million. Vafa nechirwere ichi muAmerica vadarika zviuru mazana maviri negumi nezvishanu, kana kuti 215 000.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG