Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vourayiwa neNyoka muNguva yeZhizha


.
.

Dambudziko rekuurayiwa kana kuremadzwa kwevanhu nenyoka zvikuru munguva ino yekunaya kwemvura rinonzi riri kuwedzera zvakanyanya munyika.

Vanhu vanosvika zana rezviuru kana kuti 100, 000 vanofa pasi rose nekuda kwekurumwa nenyoka uye vamwe zviuru mazana mana nemakumi mashanu kana kuti 450 000 vanoremadzwa zvikuru muNigeria asi kana muZimbabwe mune dambudziko iri zvekare.

Nyazvi dzezvehutano dzinoti nekuda kwekuti vanhu vari kungotarisa zveCovid-19, nyaya yekurumwa kwevanhu nenyoka haisi kunyatsotarisiwa kunyangwe World Health Organization-WHO yakati idambudziko guru pasi rose kana kuti global pandemic sezvakangoita Covid-19.

WHO inoti inoda kudererdza nepakati huwandu hwevanofa kana kuremadzwa nenyoka.

MuZimbabwe nyaya dzekurumwa kwevanhu nenyoka dzinowanzowedzera kubva muna Gunyana kusvika mumwedzi uno waKurume apo nyoka dzinenenge dzichitsvaga pekugara panodziya uye chikafu zvinopa kuti dzigume dzaenda mudzimba dzevanhu.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Josphat Chiripanyanga vanoti mumwaka uno wezhizha vari kuona varwere vakawanda vanenge varumwa nenyoka.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vanhu kazhinji vanorumwa kumakumbo nenyoka zvikuru shato nekudaro Doctor Chiripanyanga vanoti vanhu vanofanira kupfeka bhutsi dzinovhara tsoka uye kusafamba husiku kana zvisina kukodzera.

Vatiwo kana munhu akarumwa nenyoka anofanirwa kuendeswa kuchipatara nechimbichimbi kuti akurumidze kubaiwa mushonga unouraya huturu sezvo munhu achigona kufa mukati memaminetsi gumi nemashanu chaiwo akasarapwa mushure mekurumwa nedzimwe mhando dzenyoka.

Vatiwo dzimwe tsika dzinoitwa nevanhu dzekusunga pedyo neparumwa dzinotogona kupa kuti munhu agume adimburwa mimwe mitezo.

Imwe nyanzvi munyaya dzekubata nyoka ine mukurumbira zvikuru munyika VaChawatama Marimo vanoti nyoka zhinji dzirikuwanikwa munogara vanhu nokuti dzinenge dzichitsvaga zvokudya nepekuhwanda.

VaMarimo vanoti vanhu vanofanira kugadzirisa mikova inenge yakadyika kuzasi kwayo, kuitira kuti nyoka nemakonzo zvisapinda mudzimba. Vatiwo zvikwere zvehuku zvinofanirwa kuvakirwa kure nedzimba sezvo zvichikwezva nyoka.

Imwe mhuri inogara kuTynwald North muHarare yakafonera VaMarimo mushure mokunge yawana Shato yaiva yatomedza huku nhatu. Sezvo shato iri mhuka inochengetedzwa nemutemo wezviwanikwa, kwakatozoshevedzwa chikwata chakabva kuZimbabwe Parks and Wild Parks chakabata nyoka iyi ndokuiendesa kunzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzemusango.

Ongororo yakaitwa nesangano reAfrica Snakebite Institute inoti pamhando yenyoka makumi masere neimwechete, 81, dzinowanikwa munyika, nyoka dzine huturu hunouraya dzinosvika makumi mana nemasere ,48.

Dzimwe dzinouraya dzinosanganisira rovambira, iyo inemukanwa makasviba serasha, mhungu, mhakure, chiva nebvumbi kana kuti Gaboon viper.

Kudzivirira kuti nyoka dzisapinde mumusha, mutauriri weZimparks VaTinashe Farawo vanoti vanhu vanokwanisa kushandisa miti inodzinga nyoka yakaita segavi remubawa kana kuti mahogany rinenge ranyikwa mumvura uye mapiritsi ealuminium nezvimwe.

Sangano reAfrica Snakebite Institute rinoti Chiva ndiyo nyoka inokonzera kuparara kwehupenyu hwevanhu makumi mapfumbamwe kubva muzana vanorumwa nenyoka iyi pagore.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvehutano kuti gore rino kwakarumwa vanhu vangani nenyoka, ongorororo yakaitwa makore matatu apfuura, yakaratidza kuti vanhu gumi nevaviri vairumwa pazuva munguva yezhizha munyika.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG