Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vobayiwa Nhomba yeCovid-19 Ukuwo Munhu Mumwe Chete Achifa


Bazi rezvehutano rinoti nemusi weMugovera munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 muHarare zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera hwave chiuru chimwe chete nemazana mashanu ane gumi nepfumbamwe kana kuti 1, 519.

Hwuwandu hwevanhu vari kubayiwa nhomba hwawedzera zvakanyanya mumazuva mashoma adarika, uye neMugovera vanhu zviuru zvina nemazana matatu nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 4, 373 vakabayiwa nhomba iyi.

Izvi zvinoreva kuti vanhu zviuru makumi matanhatu nemashanu zvine mazana mana nemakumi matanhatu nematanhatu kana kuti 65, 466 vabayiwa nhomba kubva zvayatanga kubayiwa munyika kubva kuChina.

Vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa vari nhengo yeMDC Alliance Dr Henry Madzorera vanoti ichokwadi kuti vanhu vakawanda vari kubayiwa nhomba kunyangwe vakurudzira kuti hurmende ibude pachena nezvenhomba dziri kubayiwa vanhu.

Hurukuro naDr Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu gumi nevatatu vakabatwa nechirwere ichi neMugovera zvasiyawo vanhu vabatwa nacho vave zviuru makumi matatu nematanhatu zvuine mazana masere negumi nemasere kana kuti 36, 818.

Vanhu vatatu vakapora kubva kuchirwere ichi zvasiya vanhu vapora vave zviuru zvitatu nezvina zvine mazana mashanu nemakumi manomwe nemashanu kana kuti 34, 575.

Vanhu vachiri kurwara vave mazana manomwe nemakumi maviri nevana kana kuti 724.

Pavanhu vachiri kurwara ava, makumi matatu nevatatu ndivo vari muzvipatara.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 achibva kusangano reAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni mana kana kuti 4 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vadarika zviuru zana negumi nechimwe zvine zviuru mazana manomwe kana kuti 111, 700. Vanhu vapora vadarika mamiriyoni matatu nezviuru zvinomwe kana kuti 3,7 million.

Tichiri panyaya iyi, John Hopkins yemuAmerica iri kuongorora nezvechirwere cheCovid-19 pasi rose inoti vanhu vanosvika mamiriyoni zana rine makumi maviri nevatanhatu nezviuru mazana masere kana kuti 126, 8 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 pasi rose.

Vanhu vafa nechirwere ichi vanosvika mamironiyi maviri nezviuru zvinomwe kana kuti 2,7 million. Vapora pasi rose vanodarika mamiriyoni zviuru zvinomwe nechimwe zvine zviuru mazana masere kana kuti 71, 8 million.

MuAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi pasi rose.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana mashanu nemakumi mana nevasere zvine zviuru mazana masere kana kuti 548, 800, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi matatu kana kuti 30 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG