Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mazana Masere Voshandisa Chimbuzi Chimwe Chete Chisina Mvura kuMhangura


Mhuri dzinodarika mazana maviri idzo dziri kushandisa zvimbuzi zviviri dziri panjodzi yekubata zvirwere mumusha unogara veruzhinji weChebanga kuMhangura.

Mhuri idzi dzine vanhu vanodarika mazana masere dzaimboshandisa zvimbuzi zvishanu sezvo mvura yaiwanikwa nguva dzose apo mugodhi waishanda.

Asi zvimwe zvimbuzi zvakavhara nekuda kwekushaikwa kwemvura izvo zvave kuita kuti vanhu vaitire tsvina pasi sezvo zvichigara zvakazara nguva dzose.

Vamwe vanhu vave kuitira tsvina muzvibhaketi vozouya kuzodira muchimbuzi sezvo vasingabvumirwe kuitira tsvina mumasango ari pedyo.

Kana zvimbuzi zvazara vagari vano tora tsvina nezvipoto zvakasakara vachiisa kunorasirwa marara.
Mumwe mugari Amai Chiwonisa Mapfeka vanoti dambudziko ndere kuti zvimbuzi zviri kuzara nguva dzose zviri kuita kuti vabvise tsvina zvisina hutsanana.

Izvi zvinotsigirwa naAmai Sarudzai Banda avo vanoti nzvimbo yavo haichagarike nekunhuwa.

Mukuru wezvehutano kana kuti Enviromental Health Technician mudunhu reMakonde iro rinosanganisira Mhangura VaDonaldson Siyaya vanoti dambudziko guru ndere mvura.

VaSiyaya vanoti kanzuru iri kuvaka zvimbuzi makumi maviri nezvishanu senzira yekuderedza dambudziko revagari ava.

Mumiriri weMhangura muparamende Amai Precious Masango vanoti vave kushandisa mari inobva kuparamende yeConstituency Development Fund-CDF-kuvaka zvimbuzi zvemakomba vachiti vakatarisana nedambudziko rezvirwere chero nguva nekuda kwetsvina.

Amai Masango vanokurudzira hurumende kuti ikurumidze kupa matunhu mari yekuvandudza matunhu kuti ishandiswe kugadzirisa matambudziko akaita sedambudziko riri munzvimbo mavo meMhangura.

Zvichakadaro, kuramwa mabasa kwevashandi vekanzuru yeHarare kunonzi kwave kuisawo hupenyu hwevanhu munjodzi sezvo mvura ine siweji yopinda mudzimba kana kungoerera pakati peguta uye kunzvimbo dzakaita seNew Tafara, Glen View, Budiriro ne Highfields.

Mumashoko kuvatori venhau, kanzuru yati vashandi vari kuti vanoda zvikwanisiro zvekuti vazvidzivirire mukutapurirwa chirwere cheCovid-19 uye mari dzekubatsirikana.

Asi rimwe sangano revagari reCombined Harare Residents Association rinoti nyaya iyi inofanira kugadziriswa nechimbi chimbi nekuti zvinogona kupa kuti zvirwere zvakaita seCholera yakauraya vanhu muna 2008 zvipararire.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG