Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mazana Mana neMakumi Matanhatu neVaviri (462) Vakafa neCovid-19 Mumazuva Manomwe Chete


Bazi rezvehutano rinoti vanhu makumi mashanu nevapfumbamwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera hwave zviuru zviviri nezana nemakumi masere nemashanu kana kuti 2,185.

Mumazuva manomwe adarika chete, vanhu mazana mana nemakumi matanhatu nevaviri kana kuti 462 vakafa zvichienzaniswa nemazana maviri nemakumi matanhatu nevanomwekana kuti 267 vakafa munguva imwe chete svondo rapera.

Vanhu chiuru chimwe chete nemazana mana nemakumi mana nevashanu kana kuti 1, 445 vakabatwa nechirwere ichi neMugovera.

Izvi zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru makumi masere nemaviri zvine mazana matanhatu negumi nevatatu kana kuti 82, 613.

Vanhu mazana manomwe nemakumi masere nevana vakapora kubva kuchirwere ichi zvasiya vapora kubva zvachatanga kupararira vave zviuru makumi mashanu nechimwe zvine mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevatatu kana kuti 51, 923.

Vanhu vachiri kurwara zviuru makumi maviri nemasere zvine zana nevaviri kana kuti 28, 102. Pavanhu ava mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nevasere kana kuti 798 ndivo vari muzvipatara kunyangwe chipatara cheInyathi chisina kuzivisa huwandu hwevari kurawara.

Bazi rezvehutano rinotiwo Nzvimbo dziri kupararira chirwere ichi zvinotyisa dzinoti Chegutu, Hurungwe, Sanyati, kuMashonaland West, kochiti Guruve, Mazowe kuMashonaland Central, Marondera, Murewa kuMashonaland East, Bikita neMasvingo, nemuHarare, kuchizotiwo Northern Suburbs, Nkulumane, Emakhandeni kuBulawayo uye Kwekwe mudunhu reMidlands.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu miriyoni imwe chete nezviuru zana nemakumi matatu nevaviri ne mashavashanu kana kuti 1, 132 05 vabayiwa nhomba kekutanga kudzivirira Covid-19.

Vanhu vabayiwa kaviri sezviri kukurudzirwa vave zviuru mazana matanhatu nemakumi matatu nepfumbamwe zvine mazana matatu nemakumi masere nepfumbamwe kana kuti 639, 389.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kuti inyatsoshanda zvakanaka.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti chinangwa chehurumende ikozvino ndechekuona kuti vanhu vakawanda vabayiwa nhomba yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Vati vachatora vanachiremba nevakoti kubva kumauto nemapurisa.

Hurukuro naAmai Monica Mutsvangwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaimbova gurukota rezvehutano varizve munyori munyaya dzezvehutano mubato rinopikisa reMDC Alliance Dr Henry Madzorera vati vanhu vanofanira kuziva kuti kudzivirira Covid-19 kunotanga naivo nekutevedzera kurudziro iri kupihwa nenyanzvi munyaya dzezvehutano zvikuru kupfeka zvivhara muromo nemhuno.

Hurukuro naDr Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG