Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mazana Mana neMakumi Masere neVaviri (482) Vofa neCovid Vhiki Rapera


Bazi rezvehutano rinoti nemusi weMugovera vanhu makumi mana nevaviri kana kuti 42 vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vanhu zviuru zvitatu nemazana mana nemakumi mapfumbamwe kana kuti 3, 490 vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera.

Mumazuva manomwe adarika chete vanhu mazana mana nemakumi masere nevaviri kana kuti 482 vakafa nechirwere cheCovid-19 zvichienzaniswa nevanhu mazana mana nemakumi matanhatu nevaviri kana kuti 462 vakafa svondo rapera munguva imwecheteyo.

Vanhu chiuru chimwe chete nemazana masere kana kuti 1, 370 vakabatwa nechirwere ichi neMugovera. Izvi zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zana rezviuru nezvisere zvine mazana masere nemakumi matanhatu kana kuti 108 860.

Asi mumazuva manomwe adarika hwave zviuru gumi nezvitatu zvine mazana matanhatu nevapfumbamwe kana kuti 13, 659.

Svondo rapera panguva imwe cheteyo vanhu zviuru gumi nechimwe zvine mazana mashanu nemakumi masere nevatatu kana kuti 11, 583 vakabatwa nwechirwere ichi.

Huwandu hwevari kubatwa nwchirwere hwati dzikirei. NeMugovera vanhu chiuru chimwe chete nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevana kana kuti 1, 294 vakapora kubva kuchirwere ichi zvasiya vapora vave zviuru makumi manomwe nemashanu zvine mazana masere nemakumki mashanu nevatanhatu kana kuti 75, 856.

Vanhu vabayiwa nhomba yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kekutanga vave miriyoni imwe chete nezviru mazana matanhatu nemakumi mana nemashanu zvine mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kana kuti 1, 645, 599.

Vanhu vabayiwa nhomba kechipiri sezviri kukurudzirwa vave zviuru mazana manomwe nemakumi matanhatu nemanomwe zvine mzana mapfumbamwe negumi kana kuti 767, 910.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG